Uncategorized

$20 cash back: Ruzhinji rwotaura

21 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
$20 cash back:  Ruzhinji rwotaura

Kwayedza

Abel Ndooka —
VERUZHINJI vari kugashira nepakasiyana chisungo chakatorwa nebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, chekuti munhu anenge atenga zvinhu muchitoro kana achida mari ye”cash back” anopihwa $20 bedzi.

Vamwe vanotsigira danho iri asi vamwe vanopesana naro.

RBZ inoti yakatora danho iri zvichitevera tsika yange yoitwa nevamwe vanamuzvinhabhizimisi yekuchengeta mari vasingaiendese kumabhanga.

Nguva yadarika, munhu aiti akatenga zvinhu muchitoro achishandisa kadhi rekubhanga, anogona kupihwa mari ye”cash back” inotangira pa$20 kusvika kana $100 asi RBZ yakadzika chisungo chekuti munhu wose anenge atenga achishandisa kadhi rekubhanga uye achida cash back anopihwa $20 bedzi.

Svondo rino Kwayedza yakaita hurukuro nevanhu vakasiyana avo vakapa mafungiro avo pamusoro pedanho iri.

Wisdom Mlambo (27) wemuHarare anoti danho iri rakanaka zvikuru nekuti zvichapa mukana kumunhu wose kuti awane mari.

“Ndinoona sekunge zvaitwa neRBZ zvakanaka chaizvo nekuti tagara mari yange ichinetsa munyika saka kana vachiti tikatenga, munhu opihwa $20 chete zvakanaka nekuti munhu wose anowaniswa kashoma karipo.

“Zvasiyana nepaye pekuti mari yaingopihwa vanhu vashoma, apa tose tave kuwaniswa shoma iripo iyoyo,” anodaro.

Zvisinei, Obert Muriritirwa (22) anove muzvinabhizimisi muHarare anopikisana nemafungiro aMlambo achiti $20 iri kunzi neRBZ vatengi vapihwe ishoma zvikuru.

“Munhu ngaangopihwa mari yake yakakwana kwete kungotemerwa zvirango. Vanhu vemabhanga ndivo vanozopedzisira vave kuita mari nesu nekuti pose apa pandinenge ndichitenga neswipe yacho vanenge vachingonditorera mari. Saka ndikapihwa yose kamwe chete zvinondibatsira kuti ndisarambe ndichienda kuzvitoro,” anodaro.

Mumwe mudzimai wemuHarare anotengesa zvakasiyana, Mai Shingi Mironga, vanoti havawirirane nedanho rakatorwa neRBZ rekudzikisa mari yecash back.

“Zvamunoona pane zvimwe zvinhu zvisingade swipe zvakafanana nekukwira makombi, zvinoda mari. Saka ndikapihwa $20 inondisvitsa kupi?,” vanodaro.

Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti sangano ravo ndiro rakatokurudzira kuti RBZ itore danho iri.

“Takagara pasi neRBZ nevemabhizimisi akasiyana svondo radarika tikaita hurukuro navo, uye zvikaonekwa kuti pane vamwe vemabhizimisi vasiri kuendesa mari dzavo kumabhanga vachiti vari kupa kuvanhu secash back. Asi zvakazoonekwa kuti vamwe vari kunyepa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links