2015 ndewangu: Mambare

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views
2015 ndewangu: Mambare MASIMBA MAMBARE

Kwayedza

MASIMBA MAMBARE

MASIMBA MAMBARE

MUTAMBI weDynamos FC nemaWarriors, Masimba Mambare, uyo akapedza mwaka wenhabvu wegore radarika akakuvara anoti ari kushanda nesimba kuti gore rino ange akasimba agokwanisa kutambira chikwata chake ichi zvine mutsindo.

Mambare akatengwa neDeMbare,sezita remadunhurirwa reDynamos, gore radarika kubva kuHighlanders asi haana kukwanisa kutamba mitambo yakawanda sezvo akapedza nguva refu achirapwa gumbo rake iro raakakuvara mumutambo weIndependence Cup semi-fainari ligi risati ratanga.

Kubva kwaakaita kuHighlanders achienda kuDeMbare kwakarwadza vatsigiri vechikwata ichi avo vazhinji vacho vaiti mutengesi.

Kune vamwe zvakare vaiti kukuvara kwaakaita uko kwakamutadzisa kutamba mitambo yakawanda muligi inyaya yekuti ainge “akasotwa” gumbo rake.

Asi muhurukuro naMambare svondo rino akaramba kuti “akasotwa” gumbo rake ndokuti mutambi wese munhabvu anogona kusangana nedambudziko rekukuvara.

Anoti ari kushanda nesimba kuti mwaka wegore rino agotambe mitambo yakawanda achibatsira chikwata chake kurwira kuchengetedza mukombe wacho uyo wachakahwina gore radarika wePremier Soccer League.

“Gore radarika ndaisaziva kuti ndichaita sei, ndainge ndapererwa nekukuvara kwandakaita asi handina kurasa tariro ndakaramba ndichishanda nesimba.

“Ndakangozvitambira kuti ndizvo zvakaitika, chinhu chese chinoitika chine chinangwa uye zvinhu zvese zvinoitika nekuda kwaMwari.

“Hapana asingakuvare uye semutambi wenhabvu unogona kungokuvara asi gore rino ndichanyatsochengetedza muviri wangu kuti ndisakuvare zvekare.

“Ndaida chaizvo kutamba nhabvu mwaka wese wegore radarika asi zvakaramba nekukuvara kwandakaita ndinongoti gore rino nderangu rekupenya muligi,” akadaro Mambare.

Kunyangwe zvake gore radarika asina kukwanisa kutamba mitambo yakawanda apo DeMbare payakanyora nhoroondo nekuhwina mukombe weligi mumakore mana akatevedzana, Mambare anoti anofara nebasa rakaitwa nevamwe vake mumitambo yePSL.

“Ndakafara hangu kuti chikwata changu chakahwina ligi asi mufaro wangu waive wekupembera basa rakabatwa nevamwe vangu vandinotamba navo kuDeMbare ini ndichanyora nhoroondo yangu gore rino.

“Ndoda kurakidza nyika yese kuti ndiri muchina, ndichabatsira chikwata changu kuti tirambe tine mukombe wedu weligi,” akadaro Mambare.

Zvakadaro, Mambare akakurudzira vatambi vatsva veDeMbare avo vakaparurwa masvondo adarika kuti vanofanirwa kusunga dzisimbe vagobatsire mukusimudzira chikwata ichi.

Anoti kupfeka jezi reDeMbare chiremerera chikuru chaizvo saka vatambi ava vanofanira kurwa semvumba.

DeMbare parizvino yakakwanisa kusaina vatambi vakaita saKelvin Bulaji, Godknows Murwira naTonderayi Mateyaunga.

“Semumwe wevatambi vati kurei kuDeMbare ndinongokurudzira vechidiki vakatengwa nechikwata kuti vashande nesimba zvavauya. Isu muchikwata chedu chatinoziva kuhwina chete, hatizive kuruza isu,” akadaro.

Share This:

Sponsored Links