23 vonodzidza kuTurkey

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
23 vonodzidza kuTurkey

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NYIKA yeTurkey inoti icharamba ichitsigira zvirongwa zvebudiriro zvine chekuita nekusimudzira dzidzo pamwe nekumutsiridza maindasitiri muZimbabwe. Mashoko aya akataurwa nemumiriri weTurkey muno, Ambassador Hidayet Eris, nemusi weMuvhuro svondo rino pakutambidzwa kwezvitupa kuvadzidzi 23 avo vakabudirira kuwana mabhezari ekunodzidza kumayunivhesiti akasiyana ekunyika iyi.
“Tinoda kushanda neZimbabwe kuti ibudirire muupfumi hwayo, zvikuru munguva ino apo zvinhu zviri kunetsa mumaindasitiri. Pari zvino takapa vadzidzi 23 mabhezari ekuti vaende kuTurkey kunodzidza. Pakati pevadzidzi 40 vakanyora bvunzo dzekuti vawane mabhezari aya, 23 ndivo vakabudiririra kuwana nzvimbo. Gore rapera vadzidzi 16 vakawana mabhezari saka zvinoreva kuti gore rino huwandu hwakawedzera,” vakadaro Ambassador Eris.

Vanoti Turkey ichabatsira vadzidzi ava nemari inosvika US$2 miriyoni yezvidzidzo zvavo.
“Pavadzidzi 23 ava, mumwe nemumwe achanoshandisa US$90 000 mukati memakore mana avachanodzidza. Tichange tichivapa zvose zvinodiwa sekurapwa, kudya, pekugara, dzidzo nezvimwe. Zvakare vachadzidziswa mutauro weko mugore rekutanga,” vakadaro.Vanoti gore rapera, vakabatsira zvimwe zvikoro zvemuno, seChakuma Secondary School, chiri kuMt Darwin, neHovano Secondary School, kuGokwe, nemakombiyuta 40 pamwe nemajenareta maviri. Mumwe wevadzidzi vachaenda kuTurkey, Reason Moses Runyanga, anoti anofara zvikuru kunoita zvidzidzo zvake zvekutapa nhau.

“Ndiri kunzwa kufara zvikuru nekuti zviroto zvangu zvazadzikiswa, ndave kunodzidza kuti ndigodzoka ndichisimudzira nyika mukutepfenyura nhau,” akadaro Runyanga achitambidzwa chitupa chake naAmbassador Eris.
Vadzidzi ava vachasimuka muZimbabwe muna Gunyana.

Ambassador Eris vanoti kune vamwe vadzidzi vari kupedza zvidzidzo zvavo kuTurkey avo vari kudzoka kuzoshanda muZimbabwe. “Tine mumwe mukomana anonzi Tinashe Chiwaringa uyo akawana bhezari akanoita zvidzidzo zveConstruction Engineering ave kushanda kukambani yemuno inoita zvekuvaka. Tinoona kuti dzidzo idanho rakanaka tichisimudzira kuwaniswa kwemabasa zvakare.

“Tine hurongwa hwekumutsiridza indasitiri yezvekurimwa kwedonje neyekugadzira mbatya zvinova zvichaita kuti nyika ino inge ichikwezva vashanyi. Turkey iri panhamba yepiri apo inotevera China mubhizimusi rezvekusona mbatya pasi rose,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey