Ndiyani ari kubvarura mambure?

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Ndiyani ari kubvarura mambure?

Kwayedza

Abel Ndooka
RWENDO rwekurwira mukombe weCastle Lager Premier Soccer League ruchiri rurefu sezvo zvikwata zvasarirwa nemitambo 15 kuti pagozivikanwa kuti shasha ndeipi apowo zvimwe zviri kutatarika zvinogona kuburitswa muligi iri. Kwayedza svondo rino yakaita ongororo yekuona kuti ndezvipi zvikwata zvanwisa kudarika zvimwe kubvira pakutanga kwemwaka uno.

Parizvino mumitambo yose yePSL zvikwata zvose zvakwanisa kunwisa ka213. Highlanders ‘Bosso’, iyo iri kutungamira palog, ndiyo yanwisa kudarika zvimwe zvikwata sezvo yanwisa ka21 mumitambo yayo. Bosso inoteverwa neCAPS United pakunwisa iyo yakwanisa kunwisa ka20 mumitambo 15 yayatamba.

FC Platinum yanwisa ka17 kubva mumitambo 14 yayatamba uye ndiyo inotevera CAPS United. Svondo rino FC Platinum ichasangana neChicken Inn kuLuveve Stadium kuti izadzikise mutambo wayo.

Zvakadaro, mumakore adarika pange pachishaikwa mutambi anokwanisa kunwisa magobhora anodarika 20 mumwaka mumwe chete izvo zvakapedzisirwa kuitwa naNorman Maroto mugore ra2010.

Gore radarika, mubairo weTop Goal Scorer wakatorwa naKnox Mutizwa uyo aitambira Highlanders mushure mekunge anwisa ka14. Mutizwa ave kutambira Kaizer Chiefs yekuSouth Africa uye mwaka uno akasiya anwisa kana asati atengwa nechikwata ichi.

Parizvino Bruce Kangwa weHighlanders ndiye ari kutungamira pakunwisa uyo anwisa kasere mumitambo 14 yatambwa neBosso. Kangwa ndiye akahwinha mubairo weCastle Lager Player of the Month yemwedzi inoti Kubvumbi, Chivabvu naChikumi apo waKubvumbi wakahwinwawo naObrey Chirwa weFC Platinum

Zvakadaro, Kangwa pakunwisa anoteverwa naLeonard Tsipa weCAPS United uyo anwisa kashanu kusvika parizvino.

Vamwe vatambi vanotevera vanoti Pascal Manhanga weHow Mine (4), Obadiah Tarumbwa weChicken Inn (4), Prince Dube weHighlanders (4) naObrey Chirwa (4). Chirwa aitambira FC Platinum asi ave kuTanzania kuchikwata cheYoung Africans.

Dynamos FC, iyo yakatanga mwaka uno ichitatarika ndokuzosimuka nekufamba kwenguva, iri kunetseka kunwisa. Vatambi vayo vanwisa kakawanda mwaka uno ndiMasimba Mambare neRodwell Mutuma avo vakwanisa kunwisa kaviri kaviri.

Ava ndivo vatambi vanwisa kakawanda kusvika parizvino:

7 Bruce Kangwa (Highlanders)

5 Gift Mbweti (Hwange)

5 Obediah Tarumbwa (Chicken Inn)

5 Leonard Tsipa (Caps United)

4 Obrey Chirwa (FC Platinum)

4 Prince Dube (Highlanders)

4 Simba Makoni (Triangle)

4 Pascal Manhanga (How Mine)

4 Knox Mutizwa (Highlanders)

4 James Ngulube (Ngezi Platinum)

4 Allen Tavarwisa (Chapungu)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey