Akawachiswa neaimbove mudzimai wake

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI wekuChitungwiza, wekunzi akafurirana neshamwari yake pamwe nehanzvadzi kubira aimbove murume wake midziyo yebasa inokosha US$1 245, akazozvidemba zvichitevera kumiswa kwavakaita mudare redzimhosva reko. Tatenda Yasini (22) neshamwari yake, Noleen Mwedziunashe (21), vose vanogara panhamba 2000 St Mary’s, vanonzi vakabira Petros Black (34) wepanhamba 2377 St Mary’s, midziyo iyi uye hapana chakaburwa.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Takundwa Mutetwa, akati vaviri ava vanofanira kudzoka kudare apo kutongwa kwenyaya iyi kuchaenderera mberi.

“Tange tichikumbirawo kuti todzorere mumhan’ari zvimwe zvezvinhu zvatakamubira, tapota tinokumbirawo kutongwa tichibva kunze,” akadaro Yasini apo aidedera nechando. Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa16 Chikumi gore rino munguva dzeusiku, Yasini naMwedziunashe vakaronga nehanzvadzi dzake idzo dzisati dzabatwa vachibva vaenda kubasa kwaBlack uko vakasvikomurova kusvikira atiza. Mushure, vanonzi vakabva vaba midziyo yake yebasa yaisanganisira air compressor, bhokisi rematurusi, zvipanera, matayi emota 50 nemachubhu acho zvose zvaikosha US$1 245.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>