28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
KAMBANI huru inogadzira samende yeLafarge Cement Zimbabwe yakaparura chirongwa cheSimuka Upenye, icho chichaona vanasikana vanosvika 100 vanove nherera nevanobva kumhuri dzinotambura vekuMabvuku, muHarare, vachibatsirwa kuti vadzokere kuchikoro pamwe nekuita mabhindauko akasiyana.

Vanasikana vachabatsirwa pasi pechirongwa ichi vane makore 18 kusvika 20 okuberekwa uye kunze kwekusimudzirwa mune zvidzidzo, vachafundiswawo mabasa emaoko sekusona, kubika nekugadzira misoro.

Kambani iyi iri kuita chirongwa ichi yakabatana neWomen’s University in Africa (WUA) nevamwe vatsigiri.

Vanasikana ava vakapihwa zvakare kuvakuru vemakambani akasiyana kuitira kuti mumwe nemumwe ave nemubatsiri wake (mentorship).

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi nguva ichangodarika, gurukota rezvevashandi nekubatsirwa kwevanoshaya, Cde Prisca Mupfumira – avo vaive muenzi anoremekedzwa – vakakurudzira vanasikana ava kuti vazvibate pamwe nekudzidza nesimba.

“Tinoda kuti muve nechido chekuzvishandira kwete kumirira kuchengetwa. Kana muchinge mawana mabasa, ivai vanhu vanoshanda nesimba kwete kushandirwa nevamwe.

“Ini ndakafirwa nemurume asi ndakakura ndiine shungu dzebudiriro. Kumusha kwedu kuChinhoyi takakura tiri vanasikana vanomwe nevakomana vaviri tichitambura zvekusvika pakuvaka dzimba dzedhaka nemapango. Asi nekuda kweshungu nedzidzo, ndave pandiri nhasi muHurumende kuti ndiunze shanduko muupenyu hweveruzhinji zvinova zvamunofanira kutevedzera,” vanodaro.

Vanoshora nyaya dzekukasika kuroorwa kwevanasikana, kubvisa pamuviri nekuva nyope.

“Vanasikana vavarirai kusandura upenyu hwenyu nedzidzo kwete kushandiswa muchiitiswa vana avo munozopedzisira mava kurasa mumabhini. Kune mwanasikana wandapihwa kuti ndibatsire (mentorship) – Irene Mabongeyana (17) – ndinoda kuti uve nehunhu nekuti uchange wakamira wakatakura chimiro changu segurukota reHurumende uye ini ndichamira newe zviri mugwara,” vanodaro.

Cde Mupfumira vakapa Irene US$100 yekuti anobhadhara kwaakadzidza kuNyamidzi Secondary School, kwaRusape, uko akanyora Form 4 akanyimwa zvakabuda mubvunzo nekuda kwechikwereti.

Irene anotenda rubatsiro urwu.

“Ndinofara zvikuru nerubatsiro rwandawaniswa nekuti vabereki vangu vose vakashaya ndiine makore maviri ekuberekwa ndikarerwa naamaiguru mukoma waamai asi dambudziko remari yechikoro ndiro rainge rakakura. Kuchikoro ndakanyimwa magwaro ekuzvarwa nechitupa cheForm 4 nekuda kwekuti kune chikwereti cheUS$100,” anodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Vice-Chancellor veWUA, Professor Hope Sadza vakavimbisa kubatsira vanasikana ava pachena nezvidzidzo zvemabasa emawoko.

“Zvinhu zvinogona kushamisa vanhu kuti yunivhesiti yedu inotungamirirwa nemadzimai asi ishungu zvekuti pandakatanga vazhinji vaifunga kuti hazvibudiriri asi zvakaita nekuda kwekuva nezviroto zvemberi. Mwanasikana anenge apasa paA-Level ndichamubhadharira kuti auye kuzofunda payunivhesiti yangu pane vari pano nhasi.

“Ndinokoshesa dzidzo yemwanasikana neyemadzimai akakundikana kufunda nekuda kwematambudziko akadai sekushairwa mari, kumitiswa nezvimwe,” vanodaro.

Mumwe wevasikana vari kubatsirwa pasi pechirongwa ichi ndiMargret Ndabaning Mugodi (19), uyo anoti haana kuzokwanisa kunyora Form 4 zvichitevera kushaya kwababa vake.

Margret ari kutsigirwa nachamangwiza wekambani yeLarfage, Mai Amal Tantawi.

Vaimwe vaive pachiitiko ichi vanosanganisira vamiririri nevatungamiri vemapoka akasiyana anosanganisira Unicef, Delta, National AIDS Council, Women’s Development Bank, Securico neMusasa Project.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>