Kuve nhengo yecarg

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Kuve nhengo yecarg

Kwayedza

Kuna Chiremba —-
Ndiri mukadzi ane makore 45 okuberekwa. Ndakawanikwa ndine utachiona hweHIV nguva pfupi yadarika ndokubva ndanzi ndichitanga kunwa mapiritsi emaARVs.

Ndiri amai pamwe nemurimi wefodya.

Munzvimbo yedu ndakaona munhu mumwe chete ari muchikwata chevanhu vari HIV positive achienda kunotorera vamwe vake mapiritsi. Ndinozvizivisa sei kwavari?

Ndinoda chose kuti ndipinde muchikwata chavo kuitira kuti pandinenge ndakabatikana nebasa, mumwe anokwanisa kuenda kunonditorera mushonga.

Ndini Tariro.

 

Kuna Tariro

Ndinotenda zvikuru netsamba yako. Zvakanaka kuti uri kukoshesa mararamiro ako pamwe nekuronga kutora mushonga wako zvakakodzera.

Zimbabwe yatora matanho akasimba panyaya yekuwanisa vane utachiona hweHIV mapiritsi emaARVs kuburikidza nenzira dzakasiyana-siyana, kusanganisira mapoka emunharaunda eCommunity ART Refill Group (CARG) ayo anoumbwa nevanorarama neutachiona.

Chinangwa chikuru ndechekuderedza kuwandisa kwebasa kuvashandi vezveutano, nematambudziko anenge kufamba nzendo refu pakunotora mishonga kune vanorarama neutachiona hweHIV. 

Munhu anongotenderwa chete kupinda muchikwata cheCARG mushure memwedzi mitanhatu achinwa maARVs ake. Pakati pemwedzi wekutanga newechitanhatu unofanira kushanyira chipatara kana kiriniki iri pedyo naye kuitira kuti vashandi vezveutano vaongorore kana mapiritsi auri kunwa ari kushanda zvinotarisirwa.

Rega ndikutaurire zvizere pamusoro peCARG. Izvi zvikwata zvinoumbwa nevanhu vanosvika 10 vanorarama neutachiona vanenge vachinwa maARVs. Vanhu ava vanopanana mukana wekunotora mapiritsi emaARV kungave kuchipatara kana kukiriniki vachipanana senhengo muchikwata chavo.

Zvisinei nekuwanikwa kwemaARVs kunzvimbo dzakawanda dzenyika, varwere vakawanda vachiri kusangana nedambudziko rekufamba mitunhu mirefu  kuenda kunotora mapiritsi aya.

Munhu anoda kupinda muchikwata cheCARG, anofanira kuve ari zvinotevera:

  • ari kurarama neHIV achida kuve nhengo yeCARG
  • asingasangane nematambudziko pautano hwake pakunwa kwaanoita maARVs sekurwara nezvimwewo zvirwere
  • ave munhu anwa mapiritsi emaARV kwemwedzi inosvika mitanhatu kana kudarika
  • ane viral load iri pa<1000c/ml
  • asiri kurapwa kana kutora mishonga yeTB kana chimwewo chirwere chikuru
  • ave munhu ane makore ari pamusoro pe15 okuberekwa.
  • asina pamuviri kana kuti asiri kuyamwisa mwana.
  • achikwanisa kutora maARVs panzvimbo imwe chete nevamwe vari muchikwata chake.
  • achigara munharaunda imwe chete nedzimwe nhengo dzemuchikwata chake.

Kuumbwa kwezvikwata zveCARG hakumanikidzwe uye isarudzo yevanhu vari kurarama neutachiona hweHIV.

Kana vanhu vaumba chikwata chavo – vachibatsirwa nevamukoti vemunharaunda yavari – vanobva vasarudza mutungamiriri wavo.

Basa rinoitwa nezvikwata zveCARG:

Nhengo dzechikwata dzinosangana katatu pamwedzi panguva yadzinenge dzakasununguka panzvimbo yadzinoda zvakare apo vanopanana mapiritsi emaARVs avanenge vatora.

Mutangamiriri wechikwata anoverenga mapiritsi pamwe nekupa nhengo imwe neimwe achinyora pakadhi rechikwata reCommunity Group Card. 

Mutungamiriri wechikwata uyu anopota achiongorora zvakare nhengo dzechikwata chake kana dzisina matambudziko adzinenge dzichisangana nawo pakunwa mapiritsi (side effects) achizvinyora pakadhi reCOMMUNITY ART REFILL GROUP refill form (Form C1). Ongororo iyi inodzokororwa mushure memwedzi mitatu yoga-yoga.

  • Nhengo dzechikwata dzinosarudza mumwe wavo anonotora maARVs vachiita zvekupanana majana.

Apo imwe nhengo yechikwata cheCARG inenge yararwa, inofanira kuenda kuchipatara kana kukirikini nekukasika.

Vavariro yeveutano ndeyekuti kushandisa zvikwata zveCARG kuchaita kuti avo vanoda maARVs vakwanise kuawana vasina kusangana nematambudziko akawanda.

Rambai muchinwa mishonga yenyu sekurairwa kwamuri kuitwa naanachiremba kana mukoti. Ndinokuvimbisai  kuti mukatevedzera izvi munova neutano hwakanaka mukurarama kwenyu.

Ndini Chiremba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>