Tinobura nyanzvi: mitc

07 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Tinobura nyanzvi: mitc

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
KOREJI yeMsasa Industrial Training College (MITC) iri muHarare yovandudza hunyanzvi hwevashandi vemuindasitiri nedonzvo rekusimudzira kugadzirwa kwezvinhu zvakasiyana munyika.

Vakafanobata chigaro chemukuru weMITC, VaWebster Tunduwani, vanoti koreji yavo yakavambwa nechinangwa chekuvandudza hunyanzvi hwevanoshanda mumaindasitiri akasiyana sezvo kumaindasitiri kuriko kune hwaro hwekugadzirwa kwezvinhu zvakawanda zvinofambisa upfumi hwenyika zvakanaka.

“Chinangwa chedu chikuru kuvandudza hunyanzvi hwevashandi vemuindasitiri mumabasa akasiyana. Chikoro chedu chakavambwa mushure mekunge Hurumende yaona kuti munhu wese anoshanda muindasitiri anofanira kuva nemagwaro anoratidza kuti ane hunyanzvi mubasa raanenge achiita.

“Vamwe vanhu vanopinda muindasitiri vanenge vasina magwaro emabasa avanoita uye vamwewo vanenge vasina kupasa O-Level kana Grade 7 chaiyo.

‘‘Chikoro chedu hachitarisi kuti munhu akapasa here kana kuti kwete, asi kuti anogona kunyora nekuverenga here. Tisu tinozomuumba kuti ave nehunyanzvi hwakakwana mubasa raanenge achiita.

“Tinotanga nemunhu kwekutanga kwebasa raanenge achida kudzidzira kana kuvandudza kusvika ava kugona.

‘‘Tinosiyanisa mukutora kwedu, kune vane chikoro avo vane danho ravanotangirawo rakasiyana nevasina kupasa,” vanodaro VaTunduwani.

Vanoenderera mberi vachiti, “Chikoro chedu chinogamuchira munhu wese nekuti donzvo redu kubura nyanzvi dzekushanda mumaindasitiri. Tinodaro nekuti maindasitiri mazhinji vanhu vakawanda vanoshanda nemishina dzinova nyanzvi dzatinobura isu. Ndivo vanoumba hwaro hwemakambani.

Hatina rusarura pakutora vatinodzidzisa uye vazhinji vagara muindasitiri vanouya pano vachiwedzera hunyanzvi hwavo vozoongororwa kuti vava kugona here mabasa avo avanenge vadzidziswa (trade-tested).”

Vanoti pakoreji pavo vanodzidzisa wose anouya hunyanzvi hwekushandisa makombiyuta pamwe chete nekugona kuzvitangira mabhindauko akasiyana.

VaTunduwani vanoti vamwe vavanodzidzisa vanovapowo mabasa ekuita pakoreji yavo kuitira kuti varatidze hunyanzvi hwavo.

“Pachikoro pedu pano vana vanopihwa basa rekutoita kuratidza hunyanzvi hwavo.

Kune vamwe vatinopa basa rekugadzira mota dzinouya pano dzakafa, kuvaka mimwe midhuri yepano kana kune yemamwewo makambani, kugadzira midhuri nezvimwe zvakawanda,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links