‘Ngwarirai Avian Influenza’

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
SANGANO revarimi vanochengeta huku dzechivanhu reZimbabwe Free Range Poultry Association (ZFRPA) rotsigira chirongwa cheHurumende chekuvandudza hupfumi hwenyika kuburikidza nekudzidzisa varimi machengeterwo eshiri dzakasiyana dzepamusha pamwe nekuvapa mazano pamusoro pezvirwere zvinosanganisira Avian Influenza.

MuZimbabwe, chirwere cheAvian Influenza chakabata huku kunzvimbo yeBeatrice nguva pfupi yadarika uye chinofungirwa kuti chakapinda munyika kuburikidza nedzimwe shiri dzemusango idzo dzinobva mhiri kwemakungwa.

Pane fungidziro zvakare yekuti chirwere ichi chinogona kunge chakapinda munyika kuburikidza neshangu kana mbatya dzinohodhwa nevanhu kunze vachizotengesa muno.

Avian Influenza inonzi zvakare inogona kutapurirwa kuburikidza nemavhiri emotokari dzinenge dzabva kunzvimbo dzine utachiona hwechirwere ichi.

Chirwere ichi chinozivikanwawo zvakare nekuti Bird Flu kana kuti H5N8 uye chinokonzerwa neutachiona hwunofamba pakati peshiri dzesango dzichitaputarira dzepamusha zvichikonzera hurwere nekufa kweshiri dzinochengetwa dzakadai sehuku, matoki, madhadha nezvimwewo munguva diki.

Humwe utachiona hweAvian Influenza hunogona kutapukira kuvanhu zvichikonzera hurwere.

Ongororo yakaitwa nanamazvikokota inoratidza kuti utachiona hwechirwere ichi hwatanga kuonekwa kunyika yeChina mugore ra 2003.

Chirwere ichi chinogona kudzivirirwa kuburikidza nekutora matanho akasiyana ayo anosanganisira hutsanana pakuchengeta shiri dzepamusha dzakadai sehuku, kudziviria kusangana kweshiri dzesango nedzinopfuyiwa uye kugara murimi achibvisa madororo nguva nenguva mumatanga maanochengetera huku kana matoki. Sangano reZFRPA rinokurudzira varimi kuti vaite zvinotevera nedonzvo rekuchengetedza zvipfuyo zvavo kubva kuzvirwere zvakasiyana:

◆ kuchengetedza nharaunda ine shiri dzavo yakatsvinda nechinangwa chekudzivira kunyuka pamwe nekupararira kwezvirwere zvakasiyana.

◆ kumwaya-mwaya mishonga inobvumidzwa muzvirugu zvinogara shiri dzavo zvichibatanidzira madziro, kunze neruvanze kuitira kuti utachiona hufe.

◆ matanga anofanirwa kuvakwa nenzira inotadzisa shiri dzesango nemakonzo kuti zvipinde mukati naizvozvo anofanirwa kuvakwa nekugadzirwa zvakasimba.

◆ vakirai kadenga panodyirwa nekunwirwa neshiri dzenyu mumipanda kuitira kuti shiri dzesango dzirege kuona kana kusvikapo zvichizounza utachiona.

◆ kusatendera veruzhinji nevashandi vemumatanga kufamba nemipanda inofamba-famba shiri dzenyu kuitira kudzivirira kutapurirwa kweutachiona.

◆ gezai madziro ematanga pasi, matenga nemidziyo inodyirwa neshiri dzenyu nekunwirwa mvura nguva dzose nemishonga inotenderewa.

Share This:

Sponsored Links