$30 yevana vatatu

15 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Memory Lemani
MUKADZI wekujairira kurarama upenyu hwapamusoro akaendesa aimbove murume wake kudare achiti ndiye akamudzidzisa mararamiro eshoroma, nekudaro aida mari yekuchengeta vana vavo vatatu.

Ella Paradza akataurira mutongi weHarare Civil Court kuti anoda mari yekuchengeta vana vaakaita naCharles Tembo.

“Changamire, handioni chinotadzisa murume uyu kuti ape vana vake $355 semunhu anowana mari inodarika $1 500 pamwedzi kubasa kwake. Murume uyu ndi‘contractor’ anotsvaga mabasa ekuvaka achiisa vashandi vake kunzvimbo dzaanenge awana ozovabhadhara kupera kwemwedzi.

“Kana achitambirisa vamwe vanhu anoshaya sei mari yekupa vana vake? Pandaigara naye akandirambidza kuenda kubasa nekuti aikwanisa kutiriritira tose nevana zvekuti mari yandiri kuda kwaari haatomboiverenge, anobata mari yakawandisa. Ngaandichengete, ndiye akandidzidzisa upenyu hwepamusoro,” akadaro Paradza.

Achipawo divi rake, Tembo akati haakwanise kubhadhara mari yakawanda nekuti ari kutamburawo semunhu asingashande asi anowana mari yemukoto.

“Ini ndiri munhu ari kutokwangwayawo, handina mari pandiri pano. Zvekuti ndinowana mari yakawanda manyepo ari kutaurwa nemukadzi uyu. Ndinowana $70 ndokunge mwedzi iwoyo kuine mabasa nekuti ndinoita kungodeedzwawo kana pane vari kuvaka kuti ndivabatsire kututa mvura kana kukanya zvidhinha. Kutobhadhara mari yerendi kuri kutondinetsa sezvo ndiri kurarama nekukiya-kiya,” akadaro.

Akati kudai pasina mukadzi waari kugara naye, uyo anoita basa rekusona, angadai achidya nhoko dzezvironda. “Ndinokwanisa kungomuwanira $30 chete nekuti ndiri kutokwangwayawo,” akadaro Tembo. Mutongi Ruth Kamangira Samukange akati nyaya iyi idzoke zvakare mudare apo Paradza anofanirwa kuuya nemagwaro anoratidza kuti Tembo ane motokari nemba uyuwo Tembo ouya nemagwaro anoratidza kuti ane vamwe vana.

Share This:

Sponsored Links