Kugocha nyama yedhadha

21 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Kugocha nyama yedhadha

Kwayedza

NYAMA yedhadha kana kuti dhakisi mudya ndakasungwa uye ine mapuroteni ayo anokosha kuutano hwemhuri. Nyama yedhakisi inoda kuomeswa kuti inyatsonaka. Svondo rino VaChrispen Harudzibwi vekwaRusape vanotsanangudza mamwe mabikirwo enyama yedhadha.

Zvinodiwa:

Nyama yedhadha, munyu, mafuta, mhiripiri nehuchi.

Mabikiro:

Fashaidza mvura woundura dhadha. Vhura mukati ubvise matumbu nemusoro wozvirasa. Geza nyama ichene woisa munyu mutumbi waro wose.

Zorera huchi muviri wedhadha rese woriisa muhovhoni ine mafuta mashoma kuti risanamiramo.

Kana usina hovhoni, unogona kuita zvekurigocha pamarasha.

Ona kuti raibva mukati uye ranyatsooma. Kana raibva rinoita bhurauni mukati kunze rakatsvukira.

Wozodii?

Garai zvenyu patafura moricheka-cheka mudye nemhuri. Munogona kurunga nemhiripiri yamunoda.

Nyama yedhadha inodyiwa nesadza remhunga, rezviyo, jena kana nemupunga.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey