$500 weti yemukadzi ane mimba

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
$500 weti  yemukadzi  ane mimba

Kwayedza

Sukoluhle Ndhlovu
PANE mukadzi akaigochera pautsi apo akarikitwa kurohwa nechaunga chevanhu kuGokwe mushure mekunge akumbira mumwe mudzimai ane mimba kuti anoda kutenga weti yake ne$500.

Zvinofungidzirwa kuti mukadzi uyu anoshandisa weti yevakadzi vakazvitakura kuita mari nekuromba.

Catherine Sadomba anonzi akaenda kuna Sarudzai Kachena, uyo akazvitakura uye anoita zvekutengesa majuice card enhare pamusika wemabhazi paGokwe Centre, ndokumukumbira kuti amutengesere weti yake kuti anoishandisa zvemishonga.

Peacemore Ndlovu, mumwe wevakaona mashura aya, anoti Sadomba akadzika bhazi raibva kuSouth Africa ndokunotanga kutaura naKachena.

“Akadzika bhazi raibva kuSouth Africa achibva ananga pana Kachena uyo ane pamuviri ndokukumbira weti yake achiti anomupa $500 panove pavakabva vaburana.

“Kachena akagumburwa nezvakaitwa nemukadzi uyu achimuti anoda kumuuraya pamwe nemwana wake ari mudumbu. Madzimai maviri aya akatukirirana izvo zvakaita kuti vamwe vanhu vaungane,” anodaro Ndlovu.

Pasina nguva, Sadomba akabva atanga kurikitwa nemhomho yevanhu mushure mekunge vaziva kuti aida kutenga weti.

“Sadomba akazonunurwa nemagadhi maviri anoshandira pamusika wemabhazi uyu, avo vakazoenda naye,” anodaro Ndlovu.

Kachena anoti Sadomba anoroya bedzi.

“Anoroya chete, anoda kushandisa weti yangu kuita mari. Zvakamboitika kupi kuti munhu anokumbira weti yemunhu ane mimba, omubhadhara mari yakawanda kudaro?

“Vanhu vakadai vanofanira kudzidziswa chidzidzo chekuti havasi vose vanhu vanokara mari. Hongu, ndinoda hangu mari, asi handife ndakaita mari nenzira dzakaipa kudaro. Ngaachengete mari yake,” anodaro Kachena.

Bepanhau redu reB-Metro harina kukwanisa kutaura naSadomba sezvo achinzi akabva atiza kuenda kuSouth Africa. — B-Metro.

Share This:

Sponsored Links