$7 yemwana pamwedzi

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
$7 yemwana pamwedzi

Kwayedza

Trymore Muvhawa
VAMWE samusha vakashamisa vanhu vaive mudare apo vakati vanokwanisa kubhadhara $7 pamwedzi yekuchengeta mwana wavo vachiti ndiyo inokwanirana nezvaanoda. Artwell Kundishora akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekumhan’arirwa nemudzimai, Ottilia Machisi, achida mari yekuchengeta mwana wavo. Kundishora akati anokwanisa kumupa $7 pamwedzi nekuti haashande uye ane vamwe vana vanoda kuchengetwa.

“Ndinoita mabasa emawoko ndichiwana $50 kana $60 pamwedzi uye ndine vamwe vana vashanu kunze kwaiyeyu. Saka ndinokwanisa kumupa $7,” akadaro Kundishora.

Achibvunzwa nemutongi Marehwanazvo Gofa kuti anotii nemari yainge yataurwa naKundishora, Machisi akati $7 haina zvainokwana nekuti mwana anoda kuenda kuchikoro, pekugara uye zvipfeko.

“Mwana anoda kuenda kuchikoro, anoda chikafu pamwe chete nezvipfeko. Saka zvinoreva here kuti ndini ndinofanira kuita zvese izvi iye aripo? Dai atomboti $15 inotova nani,” akadaro Machisi.

Mutongi Gofa akati Kundishora abvise $30 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey