800000 vari kuwaniswa maArv

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
800000 vari kuwaniswa maArv NYEVERO MUPARIWA

Kwayedza

ZIMBABWE ichabatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza zuva guru reWorld AIDS Day nomusi waZvita 1 panguva iyo vanhu vanosvika 800 000 vari kuwaniswa maARVs nyika yose.

Gore rino, mhemberero idzi dzichaitwa pasi pedingindira rinoti: “Ikodzero dzeAfrica nemunhu wese kurwisa HIV neAIDS”.

Mhemberero huru dzichaitirwa kuVictoria Falls, kudunhu reMatebeleland North, uye vakuru-vakuru veHurumende nevamwe vachabva kunyika dzemuAfrica dzinosvika 47 vari kutarisirwa kunge varipowo.

Gungano iri riri kukotsverwa nesangano reNational AIDS Council.

Chiitiko ichi chiri kuuya panguva iyo Zimbabwe iri kuvandudza zvirongwa zvayo zvekuwaniswa kwemishonga yemaAnti-Retroviral Drugs (ART).

Panguva yemhemberero iyi, vanhu vachange vachikurudzirwa kuti vanovhenekwa utachiona hweHIV semhuri pamwe nekupangwa mazano. Kuchange kuine nzvimbo dzakatekeshera kwese-kwese uko vanhu vachaenda kunoongororwa pachena.

“Sangano reNAC rine donzvo rekuona kuti mugore ra2020 chikamu che90 percent chevanhu vanenge vave kuziva pavamire maringe neHIV pamwe nekuona kuti 90 percent yevanhu vari kurarama neutachiona hweHIV vawaniswa mishonga yemaARVs. Ticharamba tichitevedza zvisungo zvedu zvekurwisa HIV tichibata pamwe nebazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana kuburikidza nekutenga mishonga nemimwe midziyo inodiwa mubasa iri,” vakadaro Mai Medelina Dube, avo vanova mukushi wemashoko kuNAC.

Zvakadaro, Mai Nyevero Mpariwa (40) avo vave nemakore 22 vachirarama neutachiona hweHIV vanoti vabereki nevemakereke vanofanira kuita mushandirapamwe wekurwisa kupararira kweHIV munyika.

“Ibasa revabereki kuona kuti ivo pamwe nevana vavo vaongororwa ropa kuitira kuti vakasike kubatsirwa. Iri ndiro dambudziko guru nekuti vabereki vazhinji vanotya kuti vana vavo vange vachiongororwa nekutyira kuti vanobva vazivawo pavamire ivo vasati vagadzirira. Asi ndinoti zvakakosha kuti munhu wese azive paamire kuti agobatsirika uye ndizvo zvinoita kuti kupararira kweutachiona hweHIV kuderere munyika,” vakadaro.

Mai Mpariwa, avo vave nemakore gumi vakachata nemurume wavo, Hebert, mushure mekuziva kuti vane utachiona hweHIV, vanoti danho iri vakaritora senzira yekurwisa rusarura kuvanhu vanorarana neHIV neAIDS.

Share This:

Sponsored Links