A-LEVEL — MASIMBA…Chisvo opopotera mukoma Garikai

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
“NHUMBI DZOMUFI” naKeresia Chateuka (137 – 138)
NYAYA YACHO (Enderero mberi):
Kunopera mwedzi miviri VaMambanje vachiedza kuunganidza $1 000.00 yakanga yarehwa. Zuva racho zvinhu zvose zvakanzi zvibude panze, hama ngadzichitanga kuitirana nharo mumwe achiti firiji ndeyangu, mumwe achiti ndini ndakasiya ndapihwa. Sekuru, hanzvadzi yaamai vomufi ndizvo vanozopedza kukakavadzana uku vachiti zvinhu ngazvipihwe hanzvadzi yavo nyakubereka, ndokubva pabuda zhowezhowe. Vamwe tete vanovayeuchidza kuti vasakanganwe kuti muridzi womukadzi aifanira kusiyirwa midziyo yokusandisa mumba, vanin’ina vake ndokuita manyemwe ndokugovana zvose, nyakufirwa nemudzimai kwava kusiirwa tupoto tuviri nendiro mbiri chete. Vana vacho kana kuwana zvavo nedenhe chairo.

ONGORORO:

Mutauro washandiswa nemunyori hauna zvawo zvirungamutauro setsumo, madimikira, enzaniso nenyaudzosingwi. Asi unoyerera serwizi uchisiya muverengi anakidzwa uyewo agutsikana nezvinotora nzvimbo. Haunetsi kuverenga kana kuvewo namazwi anogona kutemesa muverengi musoro. Unonyatsa kuita basa rawo rekuyanika nyore nyore chaizvo sekucheka majarina nebanga rinopisa nhunha dzemunyori.

Munyori ashandisa musambo uyu wekurondedzera (narrative style) uyo unotiyeuchidza nezvebhuku riya rinonzi, “Things fall apart” iro rakanyorwa nemumwe munyori wekuNigeria aive nemukurumbira, Chiuna Achebe.

Munyori ari kutiratidza kuti kugona kushandisa mutauro nenzira iri nyore kunogona kuita kuti nyaya inakidze sezvinongoita dziya dzinenge dziine zvirungamutauro.

“ZVEMUMHURI” naS. Makamanzi (139-141)

NYAYA YACHO:

Chisvo ari kupopotera mukoma wake Garikai nepamusana pezvaakaita zvainge zvisina kunaka uyuwo mukoma ndokushaya simba rekupindura nepamusaka penyadzi. N’anga yacho yaratidza kuita kwakaipa uku yangotiwo ziro kunyarara, yava kutya kuti ingakuvadziswa nevarume vaviri ava. Chisvo anotarisa panze ndokutanga kufunga zvose zvainge zvakaitika, izvo zvainge zvatanga sedambe.

Pavakaenda kuchikoro vose, Garikai akazoita shamwari dzakamufurira kutiza chikoro vachiita zvedoro, vabereki ndokutadza kumudzora. Vadzidzisi vakadoedzawo asi zvakakona n’anga murapwa achida. Garikai ainge asingachasweri pamba. Chisvo akaramba achiendera mberi nechikoro asi vainzwana chaizvo.

Garikai akazowana mudzimai aifarirwawo naChisvo. Chisvo anodzidza kusvikira aita kosi yeudzidzisi akatengera mukoma wake nemudzimai zvipo zvakawanda. Maiguru vanobva vaita pfungwa yekuti Chisvo aroore munin’ina wavo asi Chisvo anowana mudzimai aishanda pachikoro chaaishandawo izvo zvinorwadza maiguru avo vanozovenga mainini zviri pachena.

Dangwe raChisvo rinove neutano husina kunaka zvakanetsa Chisvo kusvikira aita zvechivanhu ndokuenda kune imwe n’anga yekuChiredzi iyo ainge anyeurirwa nezvayo nemumwewo mudzidzisi. Garikai nemudzimai wake havana hany’a nekurwara kwemwana izvo zvinonyanya kurwadza Chisvo nemudzimai wake.

KuChiredzi kwakataurwa zvakashamisa Chisvo, n’anga ndokuvaudza kuti yaizodzosera zvinhu kwazvaiva zvabva, yozoshandisa mishonga yayo kuti Garikai auye nemudzimai wake. Mwana akashandirwa akave nani chose asi n’anga yakati zvaizonyatsopera musi wavaizosangana mhuri yose.

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey