A-LEVEL — mavanga orudo

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Mavanga chii?

Munyaradzi Gunduza—

VANGA imbonje inosara mushure mekunge munhu akuvara. Mavanga mucherechedzo unoratidza kukuvara kwemunhu kana zvimwewo zvinhu zvisiri vanhu. Mushure mekunge ronda rinenge richirwadza zvikuru rapora panosara vanga, zvisinei nekuti vanga racho rinenge richioneka nemaziso here kana kuti rinenge riri mumwoyo wanyakukuvara.

Rudo kunzwanana nekutaurirana. Naizvozvo rudo rwuri kuburitswa nemusoro webhuku nderwemukomana nemusikana vanenge vachiratidza kunzwanana muchisungo chekudanana kwavo. Musoro wekuti Mavanga Orudo unojekesa kushungurudzika nekutambudzika kunoita vatambi vari munyaya iyi nekuda kwerudo.

Kutapwa kwaBeaula nechikwata chaSolo naVheremu kwakakonzera mavanga erudo mumwoyo waStanley zvinove zvinoita kuti azombomira kuenda kubasa ave kutsvaga mudiwa wake. Kupambwa kwaBeaula kunoita kuti Stanley amusuwe uye kutora matanho akawanda akazoguma amupinza mumatambudziko mazhinji.

Musoro webhuku wekuti Mavanga Orudo unoenderana nekukuvadzwa kunoitwa mudzimai waVheremu naStanley zuva raanopinda pamba pavo achitsvaga Vheremu. Zvinobuda panoenda Stanley kuHighlands achinotsvaga Vheremu; anosvika achipinda mumba maive murere mudzimai waVheremu ndokumudzipa pahuro kusvika ave kugwinha-gwinha, anomurova zvakare mbama achinowira pamubhedha.

Mudzimai waVheremu anorova simbi dzemubhedha paaida kuzamurira kurova Stanley negumbo ndokudonhera pasi akabata tsoka. Ese aya mavanga anosiiwa pamusana perudo rwaive pakati paStanley naBeaula.

Mukomana wechidiki anobuda mune imwe imba pamba paVheremu achibvunza Stanley kuti ndiwe ani, anosangana nemavanga erudo mushure mekunge arohwa chibhakera chepamuromo chaipo naStanley uchibva watsemuka. Anobva anowira pasi achiridza mhere.

Mavanga anopihwa mukomana uyu anokonzerwa nerudo rwaive pakati paStanley naBeaula.

Stanley paanoda kuti abude mumba maVheremu achitiza anotemwa nebhodhoro remafuta mumusoro ndokubva awira pasi. Anotanga kutemwa nemamwe mabhodhoro emafuta akarara pasi kudaro.

Zvese izvi zvaikonzerwa nekutsakatika kwemudiwa wake Beaula uyo akanga amusiira vanga rerudo mumwoyo make.

Stanley anonzwa kurwadziwa nemavanga ekukuvara kwaakanga aita ari kumba kwaVheremu kuHighlands ndokufunga zvekuenda kuchipatara kuti anorapwa sezvo musoro, makumbo nemusana zvaimurwadza. Akanga ave kufamba nedivi nekuti ainzwa marwadzo akanyanyisa. Aya aive mavanga akauya mushure mekunge anyura nemhandara Beaula iyo yakanga yangotsakatika.

Zuva remusi weSvondo tinoona Stanley akagara kumba kwake mushure mekunge adzoka kuchipatara achiedza kuverenga pepanhau reThe Times asi pasina chaainzwa nekuti aifunga musikana wake Beaula akanga anyangarika zvaasina kunzwisisa uye aisaziva kwaainge aendeswa. Panguva yaainofunga mudiwa wake kudaro, mwoyo wake wakabva wasviba zvekusakwanisa kuita chimwe chinhu.

Vanga rekusuwa Beaula nekumushaya raizonyanya kurwadza Stanley apo aiona Beaula achimuvinga kuhope asi achitaura zvaaisanzwa. Pakarepo Stanley aibva atanga kuchema.

Stanley paanoenda kumapurisa kuCentral Police Station anosangana nemukadzi nemurume vainetsana pamusoro perudo. Vaviri ava vakanga vachiri kugara zvavo vese asi rudo rwakanga rwapera karekare.

Mudzimai ari kupopota apa ane vanga rekuti murume ari kuti mwana wekutanga haasi wake uye nhumbu haisi yake zvakare. Mudzimai uyu anosanganazve nerimwe vanga rerudo paanorohwa mbama nemurume pamberi pemhomho yevanhu ropa richibva ratanga kubuda.

Pakarepo, murume uyu anobva asungwa nemapurisa ndokuendeswa kuCentral Police Station. Ese aya akanga ari mavanga erudo aiwira vatambi ava.

Mudzimai waSolo akaenda kufurati raigara Eve uyo aidanana naSolo muchihwande ndokubva varwa zvekusvika pakukuvadzwa neshangu naEve.

Mudzimai waSolo akanyara pamwe nekurwadziwa chose paakaona ave kurohwawo nemurume wake uyo akanga ava kubatsira Eve. Apa rudo rwakanga rwasiya mavanga kumudzimai waSolo.

Solo naEve vanenge vave kutambudzwa nemudzimai waSolo uyo akanga ave kuvatumira mapepa aibva kumagweta. Izvi zvinoita kuti Solo naEve vambomira kudanana.

Tinopedzisa kupindirana kwemusoro webhuku nenyaya svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links