A-LEVEL — MUBAIRO: Andrew anonokurukura nachiremba waGeorge

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 23 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Achinzwa izvozvo, Andrew anobva amutevera ndokukumbira kutaura naye achida kuziva kuti zviri kumbofamba sei maererano neurwere hwasekuru vake. Anoudzwa kuti zvainge zvakatumirwa kuLaboratory zvainge zvakanaka, Xray yechipfuva yainge yakanaka, moyo uchiratidza kuve wakanaka asi chiremba vari kushamisika kuti nemhaka yei moyo wacho uchikwidza B.P saizvozvo. Chiremba vanoti pane mimwe mishonga yavachada kuedza paari vaone kuti B.P yavo haingadziki here.

Chiremba vanoti kubva mune zvavakaona mukuongorora kana pane zvinonetsa George mupfungwa, vakabata murume uyu pane zvinomunetsa mupfungwa asi Andrew asanyanya kutambudzika zvake vachaona kufamba kwazvichaita.

George anotaurira mudzimai wake kuti ainge afunga kuti vambodzokera kumusha kunoona kuti kwakadini mudzimai wake ndokuti ndizvo zvaainge achifungawo.

Pakubuda muchipatara, Andrew anoenda naambuya vake kuAvondale sezvo kwaive pedyo nechipatara. Manheru acho Mai Chimanga vanoda kunzwisisa kuti amai vaTendai vaizoenda rinhi kumusha uyo anoemerera nerekuti haangaendi kumusha achisiya murume wake.

Mai Chimanga vanotoita zvekumunyengetedza iye ndokuzobvuma kuenda, kunyara chete sekuti zvaizoratidzika sokunge akange asingaremekedzi tete.

Pava pakati peusiku mudzimai waGeorge anofungisisa nezvenyaya yekunzi aende kumusha achisiya murume wake. Anozongotsunga kuti neChishanu omhanyira hake kumusha kwaachanogara mazuva maviri chete ozodzoka muHarare neMuvhuro.
ONGORORO

Muchitsauko ichi tinoona zvirungamutauro zvinoti kudimikira neenzaniso. Kudimikira kwokutanga tinosangana nako apo mudzimai waGeorge ari kuongorora maitikiro ezvinhu. Akada kuita hake zvekunyozera nyozera kana zvenungo, hapana chinobuda saka achidimikira achiti, “Ndakaita nota yenyimo” (80) achaona kuti zvinhu zvichafamba sei izvo anodimikira achiti, “. . . ndichagoona kunowira tsvimbo nedohwe” (80)
Andrew apo anobvunza chiremba nezveupenyu nezveutano hwasekuru vake anonyatsotereresa kuti anyatsonzwa zvavanenge vachitaura kana kuti, “. . . akateya nzeve” (81). Kuita kwaAndrew ndekwekusimbisa sekuru vake kwete kungoita zvekuneta neta saka achiti apo anodzokera kuna sekuru vake, anosvikogara pasi “somurume” (81), munhu ndokutanga kuita nyambo dzokuvaraidza sekuru vake.

Enzaniso yepiri inoratidza kushaya zvekuita nazvo (helplessness) kwaamai vaYeukai maererano nekuti vangaramba sei zvataurwa zvekunzi vaende kumusha. Kuti varambe vakazviona zvakaoma “sokurova gonzo riri pahari” (82).

Maererano netsika nemaitiro amai vaYeukai, tinodzidza kuti kana mudzimai uyu atsungirira kuita chinhu, zvainge zvichinetsa kumukoromora kubva paanenge afunga ipapo. Tinonzwa munyori achiti, “vachiona kuoma kwemudzimai (waGeorge) vakazoita wekunyengetedza” (81).

Tinonakidzwa nemadimikirirwo emutsetse unopedzisa chitsauko ichi unoratidza kutadza kuzorara zvekare kwakaita mai vaTendai apo zvinonzi, “kubvira nguva iyoyo mudzimai haana kuzoitema hope kusvika kunze kwayedza” (82).

CHITSAUKO 24 (Nyaya yacho)
Vasvika pamusha pavo amai vaTendai vanowana pasina munhu ndokubva vaziva kuti vakange vachiri kubindu.
Pave paya, panosvika amai vaMusekiwa naamai vaMandizvidza avo vanovataurira nokuita kwehanzvadzi dzavo. Amai vaTendai vanovayambira kuti vanofunga kuti vanhu vose vavarikuona vachifamba panyika kudai vanoti varikunakirwa here.

Mai vaMusekiwa vanotaurira amai vaTendai nezvenhamo yemuriwo yavari kuona sezvoMunjodzi ari kuomesa musoro. Mai vaTendai vanokanuka vachinzwa kuti varume vemadzimai aya vanoti Munjodzi anoita basa chaizvo sebhoyi sekutaura kwevarume vavo.
Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>