A-LEVEL — MUBAIRO: George anonoona Miriam

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 14 (Nyaya yacho)
George apedza kutenga zvemubindu, anosiya Musiyiwa achichengeta motokari iye ndokuenda kunoona muzukuru wake Miriam, hanzvadzi yaAndrew, iyo yakati manheru acho yapedza basa kwava kuenda kunoudza Andrew mamiriro eutano hwaGeorge.

Miriam zvamunetsa anofunga zvekunozivisa amai vake kuChiweshe, avo vanobva vati pindikiti munzira kwava kubatana naMiriam, Mai Chimanga ndokuzonanga kuHurungwe vachifungisisa nezvaGeorge.

Vanofunga zano rekutenga nyama zhinji yemunyepfu, zvingwa zvishanu nemapakiti maviri eshuga kuti vanoteya amai vaMusekiwa naamai vaMandizvidza, kana vangodyira chete vozovaita kuti vanzwe mukanwa mavo kuvava.

Bhazi rakasvika muMagunje, chembere inonanga kumba kwaMakate. Mai vaMusekiwa vanovatambira vachinyemwerera nekuona zibhegi.

Nemhere mhere yekutambira tete inoitika mumbamo. Musekiwa ainge ari kumusana anobva amuka achichema amai wake vachimudana nezita rake ndokumuti aburuke aone tete vake chaivo vakuru vaainge asati aona. Mai Chimanga vanokanuka vachibvunza kuti anonzi Musekiwa nhai. Mai Musekiwa vanobva vati vakamupa zita rechivanhu, babamudiki vakapawo wavo zita rokuti Mandizvidza.

Kana nembwa vakaipawo zita rokuti Garikai.

Amai Chimanga vanobva vazarirwa neshungu asi vanovhura bhegi ravo vachinyepera kufara, kwava kupa vazukuru vose zviwitsi ndokucheka nyama nepakati ndokugovera madzimai maviri aya. Vanopa uyu zvingwa zviviri, uyo zvingwa zviviri nekutsigira neshuga imwe imwe. Chingwa chimwe chete chasara ndicho chavakati change chasarira mai vaYeukai.

Mai Musekiwa vanobva vati kugova kwavaita uku, dai Mai Tendai vainge varipo vangadai vatsamwa mai vaMandizvidza vachizvitsigira.

Ndizvo zvanga zvakateiwa naMai Chimanga kuti madzimai aya agotanga kutaura nezvamai vaYeukai.

Mai Chimanga vanoita sekunge vasina kuzvinzwa ndokubvunza kuti mhuri yaGeorge yaivepo here pamba apa pavasina kumboona munhu kuti ze-e ndokuudzwa kuti baba vaTendai naHazvinei havapo, baba vacho vari kubata bata motokari yavo.

Vanobvunza kuti mudzimai wacho ari kupi zvinobva zvadenha madzimai aya kuti ataure kuti muroora uyu haaitiki, akanzwa mari kutapira.

Mai Chimanga vanoti vaida kuti vaswere vachitswanya inda here sezvavavaona. Mai Musekiwa vanoti tete vangadaro zvavo asi mai vaYeukai vari kuuraya Tendai nebasa. Amai vaMusekiwa vanoenderera mberi vachiti mai vaYeukai vane moyo wakaoma, kana mumanhamo havamboonikewo vachichema.

Mai Chimanga vanozosvika pakubvunza mai vaMusekiwa kuti vanei namai vaTendai ndokuzoudzwa vose kuti vainge vavinga varume vavo zvino kubva kune zvose zvavataura havachavasiya kunze chete. Nguva iyoyo vave kuenda kunoona baba vaHazvinei asi vachadzoka kuti vazonyatsoziva kana varume vavo vauya ndobva vabuda kuenda.

Madzimai aya asara amai vaMandizvidza vanonyomba mai Chimanga asi mai Musekiwa vanoti kunyangwe mai Chimanga vairatidza kusavafarira, zvaive zvichinetsa kuti varambe kugamuchira zvavainga vapiwa naivo.

ONGORORO
Mai Chimanga varuka zano rekuti vabate mai vaMusekiwa namai vaMandizvidza kuti vatange kutaura nezvaamai vaYeukai. Chembere inoonekwa ichitenga zvingwa zvishanu kwava kuzvigovera nenzira isina kuenzanirana vachishaisawo mai Yeukai pakiti reshuga.

Apa chirauro chavo chakanyatsa kudyira nekuti madzimai maviri aya anotsigirana maererano nenyaya yekuti kugova kwavaita uku, dai mai vaYeukai vainge vari mumba umu, vangadai vatsamwa.

Ndipo patinonzwa mumwe wemadzimai aya achiti mai VaYeukai vakanzwa kuti mari inotapira zvakadini tozonzwazve kuti vari kuuraya Tendai nebasa.

Nekuti madzimai aya pane zvaainge ataura havachavasiyi kunze chete kunyange zvazvo vainge vavinga varume vavo.

Izvozvo vave kuenda kunoona baba vaHazvinei vozodzoka manheru acho vonyatsovaona.

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey