A-LEVEL — MUBAIRO: Mai Chimanga vanotuka Kamukombe naMakate

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 15 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Kamukombe anopindira achinyomba mudzimai waGeorge, Mai Chimanga vanoshatiriswa nazvo ndokuvatuka vachiti George vari kumubata sebhora nevakadzi vavo asi iye ari mununuri wavo.  Kamukombe anovatokonya apo anoti vanoda George nekuti ane mari. Vashatirwa vanoti mudzimai waGeorge waanotaura akamudyira chii ndokuvatuka vachiti inyope dzevanhu.

Achinzwa kudai Kamukombe anobva apenga muchembere akatiwo handisariri mumashure vachinakurirana makobvu nematete. Makate anozosvika pakubvunza mai Musekiwa kuti vati vambovanzwawo pamusha ipapo vachipopotedzana nababa vaTendai here, Mai Chimanga vanoti hatomboda kunzwa izwi remudzimai wake sezvo ari iye ari kufarira mukadzi waKamukombe nematauriro avanga vanzwa achiita zvavakasvika vachiita pamusha apa, ndokuenderera mberi vachituka mudzima uyu pamwepo nevarume vacho.

Vanotaurira Makate kuti vanotoda kuti mumba umu muitike chitsvuku nekuti mudzimai wake akapa mwana zita rokuti Musekiwa iye achizvibvumira uyuwo munin’ina wake achipa mwana zita rokuti Mandizvidza, vaisimbopa mazita echivanhu iye nhasi zvazoita sei? Ngavatotenda kuti kuna George anovabatsira.

Muchembere anovapopotera zvakare ndokudzamara abuda achivasiya vose vakatarisa pasi.

Muchembere anosvikoona mwenje wotungidzwa kwava kuchingamidzwa nemudzimai waGeorge vanhu ndokuzoenda kunorara.

ONGORORO
Tinodzidzazve maererano netsika nemaitiro evanhu. Kana vari VaMatake naKamukombe tinonzwa Mai Chimanga vachiti kuna George, “Makakanganisa hanzvadzi nokuuya kuzovakira pakati penyope” iye George ndokupindurawo achiti, “Zvokuti isimbe ndaizviziva” (58). Ivo varume vaviri ava vaive netsika yokuti kana vobva kudoro voimba izvo tinonzwa mudzimai waGeorge achitaurira Mai Chimanga kuti “ndiwo waive muitiro wavo” (59).

Kudimikira tinokuona kuchishandiswa. Mai Chimanga vakangoita chivhurumukira kuenda rwendo rwekunoona George izvo vanodimikira vachiti, “. . . ndangoita rwendo rwetsuro yamukira mumakumbo” (58). Zvakaitwa naGeorge zvekuvakira musha wake ndokugara nemukadzi wake pakati pevanhu vakaita sana Makate naKamukombe kwaive kuzvikanganisira kukuru zvinoita kuti mukadzi wake apinde muna taisireva izvo Mai Chimanga vanodimikira vachiti, “wamakawiridzira mukanwa mamupere” (58).

Vanhu vanoita zvinhu zvakafanana havana kusiyana saka mudzimai waGeorge achiti, “Makudo mamwe chete tete” (59). Zvinhu zvinoda kuti zvitaurwe nemazvo uyewo kuti zvakambotanga sei Mai Chimanga vanodaro kuna vanaKamukombe vachiti, “titaurirane chakapara hanga mugotsi” (60). Vanhu vakaita sevarume ava hapana nechinombobatsira chavanoita kusiya kwekungombeya-mbeya vachitsvaga doro vachinzi naMai Chimanga “. . . Anaswerakuenda vakuwasha vezuva” (60).

Kana vanaMakate naKamukombe vakada kuramba vachiita zvavari kuita, mhedzisiro yacho ndeyekuti achazove mukuriri ndiani pakati pavo naGeorge zvavanodimikira vachiti, “. . . ndichada kuzoona panotsva bani, chii chinosara chichitambura kunyanya pakati peshiri nehwizi” (61).

Enzaniso dzinotiwo hatingasariri mumashure semuswe. Mai Chimanga vachipopotera vanaMakate vovati vanoda nyama “semapere” (60). Kuzoti vava kutuka Mai vaYeukai tinovanzwa vovati maziso avo ainge akupunda “seerwaivhi” (60) uyewo aimati svoko svoko “kunge chipotono” (60). Vachipopota vose madzimai aya tinonzwa vachiti vaiyamwisa vana mazamhu achirembera pachena “kunge rwatata” (61).

Ivo vana vacho vavanozvara pamusha apa vachatambura zvikuru sezvo paine nhamo vachawa “semanhanga” (61).  Kutambudzika kwemadzimai aya kuchazoonekwa apo vanenge vakasonera zvigamba pamarokwe “muchinge zvigure” (61)

Kunyomba kukuru kunoita Mai Chimanga mai vaMusekiwa kunoonekwa nekushandisa kwebumbiro remavara “ka . . .” sekuti “. . . kanongoti svoko svoko maziso kunge chipotono . . . kakadzi kakuru kave kupedza ura kasina mano” (60).

Share This:

Sponsored Links