A-LEVEL — MUBAIRO: Mota yaGeorge inofa

21 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 11 (Ongororo: Enderero mberi)
Iye Makate agumbuka zvikuru nekusapihwa naGeorge mari yaainge achitarisira, munhu ndokunzwika ava kuti munin’ina wake uyu ave kuzvitutumadza kwazvo “kunge mukono wenungu” (46).

Mudzimai wake anonyombawo Makate nekushaya chekubata kwake achimuti nekuchenuruka kwaakaita “kunge munorara mudota” (47) angamirawo panaGeorge here.

Makate anoda kumboratidza mukadzi wake kuti anoziva.

Anoda kuzviti munhu mukuru pana George kunyangwe kudai George aine mari saka achidoma tsumo inoti, “Mukuru mukuru hanga haigare pfunde” (47) iyo inoratidza kuti munhu mukuru ane rukudzo, anotarisirwa kuita zvinhu zvechikuru kwete kuzvibata nenzira yechipwere.

Kudimikira kunotevera kunoitwa nemudzimai wake kunoita kuti anzwisise nyaya youkuru iyi.

Mudzimai anodimikira achiti, “Hamuzvizive nhai kuti tsuro inonzi “katsuro ako” asi gonzo richinzi “gonzo iro” kunge rinozadza hari?” (47). Kudimikira uku kunobatsirawo muverengi kuti aone tsika nemaitiro aMakate. Kukura hunge waratidza kuti wava kuita zvinhu semunhu mukuru.

Mamwe madimikira atinosangana nawo anorungawo mutauro.

Mudzimai waMakate apo anoona kuti murume wake atsamwa zvikuru anoda kuti kutsamwa uku kuenderere mberi asi asingadi kuti murume azvione kuti ndizvo zvaari kuda saka “vakabva vakwenya mhuno nakasiyanwa” (46).

Kushanda zvikuru nesimba kuri kuitwa naMusiyiwa kupamhidzira, Makate achiti, “kachiwedzera gumi pazana” (47).
Kushaya mari kunoita Makate munyama wakakura chaizvo saka mudzimai wake achidimikira achiti, “Mari ikangonzvenga chete sokutaura kwandaimboita, wotoziva kuti watopinda rushambwa rwetsuro” (47).

Tinodzidza nezvetsika nemaitiro evanhu (characterisation).

Maererano naRutendo munin’ina wababa vaTichaona, murume uyu tinonzwa baba vaTichaona vachiti “ane nharo dzisingabatsire” (48).

CHITSAUKO 12 (Nyaya yacho)
Nomusi wechitatu svondo raitevera, motokari yaGeorge inofa ari munzira kuChinhoyi kunonyoresa Musiyiwa bvunzo ye”provisional driver’s licence”. Anoyamurwa nemumwe sapurazi wechichena ndokusiya vasunda motokari kumba kwaforomani kuti sapurazi azoiongorora ramangwana racho sezvo motokari dzorudzi irworwo aidzinzwisisa.

Bhaziwo raanokwira kuenda kumusha rinotanga kukosora kosorawo zvekuti George naMusiyiwa vanozoita zvekufamba pane kurara panzira.

Usiku uhu mudzimai wake ari kukurukura naTendai uyo anomuudza kuti imbwa Garikai yakamhamhukira amai vaMusekiwa apo vainge vatsiura Peter kuti aidirei kupa mai vaYeukai imwe tsuro yainge yabatwa nembwa iyi.

Dai pasina Peter akaidzinga vangadai vakatonzwa kuti mai vaMusekiwa vakatyorwa mutsipa naGarikai.

Tendai anoyambira amai wake kuti vasatsiudza Hazvinei vachiita mhere mhere vachimunongedza nemunwe Garikai ari pedyo.

Zvaanzwa izvi zvinoita kuti amai vaYeukai vazvibvunze gumi nefararira remibvunzo voshaya kuti deno baba vaYeukai vainge varipo vaizoita sei. Mudzimai anozonzwa mazwi omurume wake naMusiywa vachisvika, murume ndokurondedzera kumukadzi wake zvakanga zvaitika.

Mudzimai wake anomuudza kuti zuva iroro rainge risina kunaka sezvo mangwanani acho mai vaMandizvidza vainge vauya kwavari vachibvunda ndokuvaudza kuti hanzvadzi yavo yainge yauya neshoko rokuti amai vavo varwara chaizvo.

George anotenda mukadzi wake nekubikira kwaakaita vana vamai Mandizvidza vaenda kuurwere achiti ndiko kugara pamwe chete paukama nokuti matambudziko akadai haaizonyanya kurema, kunyange zvazvo amai vaHazvinei vasingatsigiri mashoko aya.

Vasati vambobatwa nehope vanonzwa ruzha rwesimbi yairova gedhi.

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Share This:

Sponsored Links