A-LEVEL — MUBAIRO: Mudzimai waGeorge anoenda kuchechi

17 Jul, 2014 - 17:07 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 7 (Ongororo: Enderero mberi)
Maitiro aKamukombe mumba memukoma wake hamufadzi amai vemba, avo vanoonekwa vachimutarisa vachikwidza nekudzikisa maziso asingabwairi “sechitunha”.
Mundima yepiri kubva mune inopedzisa Peji 33 mune mutserendende wadzo enzaniso Kamukombe apo anoona kuti mudzimai wemukoma wake atsamwa pachokwadi, paanoona kuti ava kuvingwa anodududza nenhendashure “semusungwa”.

Mudzimai waGorge paanotora chitsiga chemoto anochinzvengesa-nzvengesa. Apo Kamukombe anotiza kubva pamba apa, zvinoti tsvoma tsvoma “satsuro nembwa” (33).

Amai vaTichaona vaitaura chinangwa chavo kumudzimai waGeorge vachitonyengetedza kuti vamukwezve kuchechi kuti azosangana nemamwe madzimai. Vaitaura vachiita “somukomana ainyenga musikana” (35).

Maererano netsika nemaitiro avanhu hapana zvakawanda zvatinonyanyodzidza kusiya kwekunzwa mudzimai waGeorge achiti, “Amai vaMandizvidzawo munhu asina kumbofanira kuve nemoyo mukukutu kutadzawo kusvika kuzoona sezvo zvokurovera kwacho zvakaitika vachiona” (34).

CHITSAUKO 8 (Nyaya yacho)
Mukufamba kunoita nguva ndangariro dzaGeorge dzinotenderera apo anofunga nekuita kwehama dzake dzisingadi kupinduka pamwepo nemashoko emukuru wechikoro okuti akange akaberekwa oga. Haadi kuratidza mudzimai wake kutambudzika uku asi muviri wake unofunga kudavira kutambura kwake.

Nomusi weSvondo mudzimai wake anonotorana naMatevetrai Tichaona kuti vaende kukereke, mudzimai uyu ndokumunyeurira maererano nezviriko kuchechi uku. Pavanosvikako kuchechi amai vaMusekiwa vanotsamwa kwava kuzevezera amai vaMandizvidza kuti mai vaTichaona vari kuvhaira.

Chiverengwa chezuva chinobva muna Johane wokutanga chitsauko chechina ndima yemakumi maviri neimwe iyo ine dingindira rokuti vanhu vatange vadanana vasati vada Mwari chinoverengwa neimwe tsvarakadenga yemusikana.

Mufundisi Pasipanodya anozosimuka achiparidza shoko raMwari achisimbisisa kuti kurangwa hakusi shure kwerufu bedzi asi kuti kutori panyika yatigere.

Vanhu vanozosimuka kwava kuimba rumbo. Mushure mekanguva vanozogara pasi vava kurongerwa zvomusangano waizovepo kuchechi svondo raitevera. Vanobuda muchechi umu vachiimba rumbo.

ONGORORO
Munyori anoshandisa musambo uya wamavara mahombe kuti zvaari kutaura zvinyatse kuonekwa uyewo nekupa udzamu nekukosha kumazwi ake.

Dai waive munyorero wemazuva ose muverengi aingokunguruka kuenderera mberi nekuverenga pamwe asina kumbofungisisa nezvaari kuverenga zvacho. Muitiro wavanyori wokuti kana vachida kuti zvavari kunyora zvisapotswa nemaziso emuverengi kana kuti zvikweve (eye-catching) maziso emuverengi, kuti vakudze mavara avanyora.

Maererano netsika nemaitiro evanhu, tinodzidza zvakati kuti. Mufundisi Pasipanodya aive nechiso “chainge chakachenjera nemaziso aikwanisa kuona gungano panguva imwe chete” (37).

Tochienda kumutauro, tinoona kuti enzaniso ndidzo dzanzi shandiswei zvakati kuti.

Musikana uya wokuverenga Bhaibheri anombomira odaidzira pane chiverengwa chezuva iroro kwava kukwenya-kwenya vhunzi rake “sokunge aida kuti vakomana vagoona kugadzirwa kwarakanga rakaitwa” (37).

Mufundisi Pasipanodya ane maitiro akewo.

Vatendi vari kuimba vapedza kunzwa chiverengo, anovamisa nechiratidzo choruwoko kwava kumbonyarara “sokunge akange akanganwa zvaakanga amirira pamberi pavo” (37).

Paanenge achiparidza, anombonyarara ndokutarisa mativi emba “sokunge aiona munhu panze” (38).

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>