A-LEVEL — MUBAIRO: Musiyiwa anonzi uri bhoi naKamukombe

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 19 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Achifunga kudaro, mudzimai anobva asvika paposvo ndokunyora tsamba yaanotumira kwaMurehwa kuvabereki vake, kwava kutumira kuChiweshe nekuMhondoro netelegram.

Apedza kuita izvi, mudzimai anonzwa kufefeterwa kwave kupinda mumusha weChikangwe.

Ongororo
Munhu kana achinge ofunga ava kugona kuzviitira oga ava kunzi akura, ungava ufuza kana urema kuonekwa ave kutadza kuzviitira oga.

Pfungwa iyi inoburitswa namai vaYeukai apo vanenge vachirayira Musiyiwa nezveupenyu apo vanodoma tsumo vachiti, “Chave chimhuru chave chimombe kutadza kutunga urema hwacho” (72).

Imwe tsumo inopa udzamu kune zvinenge zvichiitika tinoiona apo amai vaYeukayi vanoita zvekukurumidza kufamba vakananga kuposvo kunoita izvo vainga vafunga kuita.

Zvinhu zvinoda kugadziriswa zvinoda kuitwa nokukurumidza kuitira kuzopindura mibvunzo yevanhu vanonyepera kungwara.

Tinovanzwa vachitaura pfungwa dzavo vachiti, “Chinono chinengwe bere rakadya richifamba” (72).

Enzaniso dzinobatsira kuti tinyatse kunzwisisa maitikiro ezvinhu. Amai vaYeukai vari kufungisisisa maitiro emurume wavo ekuvashandisa sechinhu chokushandisa.

Murume wavo anoti Makate naKamukombe havana nebasa rose kuti vaziviswe kuti George arwara anoda kuendeswa kukiriniki asi mudzimai anoti vanofanira kuzviviswa chete.

Apo anoti haadi kushandiswa “semudziyo” (70) tinobva tonzwisisa kuti nemhaka yei adari.

Vedu VaKamukombe hwahwa tinonyatsa kuunzwisisa uye tinohukasva kunge ngamera iri kunwa mvura.

Mumba maakarara muri kunhuhwa hwema hwakasimba hwehwahwa izvo zvinonzi mumba rainge riri gasekase kunhuhwa “kunge mubhawa” (70). Kune vanhu avo mai Yeukai vanonyatsoziva avo vavanoti vanonyatsoziva mafungiro avo “seminwe yangu iyi” (72).

Apo mudzimai anopedza kuita zvaainge aronga, anonyatsonzwa kugutsikana munhu oonekwa ava kuridza muridzo “saakange apedza nyota yokunwa mukaka” (72).

Zvinhu zvinoitika pasi pano zvinoita kuti mai Yeukai vatire nazvo izvo vanodimikira vachiti, “Ini izvozvi ndatomedza dombo nokuti panyika hapatapire” (72). Kumwe kudimikira tinokuona kuchitiratidza maitiro emurume wamai Yeukai.

Apo mudzimai wacho akamboedza kuvayambira vachiri Harare maererano nekunovakira kumusha kune hama dzavo, murume anoonekwa achizviramba semwana anoramba muriwo une mhiripiri pfungwa yavo kuri “kuvavarira kanyama kasina muto” (70).

CHITSAUKO 20 (Nyaya yacho)
Kamukombe anosvika pamba pababa vaYeukai ndokupopotera Musiyiwa kuti nemhaka yei asinganzwi kudaidza kwaainge achiita.

Anoti Musiyiwa ibhoi ndokutsanangura zvazvinoreva. Anobva ati anoda mari yose kutanga ramangwana racho chairo. Musiyiwa anozviramba achiti haazi kuzomupa.

Musiyiwa apo anoisa ruwoko muhomwe ndokuburitsa kiyi dzegedhi Kamukombe anofunga kuti mujaya uyu ava kumuvinga munhu ndokudududza achigunun’una ndiye kuenda neshungu.

Musiyiwa anosara amire pagedhi ndangariro dzake dzichiti amuregerera nekuti aratidza kutya. Anobva afunga zvemusi uya apo akaputikirwa nebhasikoro Kamukombe achimuti ibhoi kana kuti nherera dzakapusa.

Anoona zvakakodzera kuti atsvagire Kamukombe imwe nzira yokumuranga nayo, haangamuti bhoi izvo baba vaHazvinei vasingaiti vachitomuti munin’ina Tembo.

Anopika kuti kunyangwe zvazvo ari nherera haangatsvinyirwe nemakudo akaita saKamukombe.

Ongororo
Chitsauko ichi ndicho chipfupi zvachose pane zvose.

Enderero mberi svondo rinouya

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>