A-LEVEL — mubairo: Musiyiwa ava kushandira George nemukadzi wake

21 Jun, 2014 - 18:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 5 (Ongororo)
Maererano netsika nemaitiro evanhu, tinodzidza zvakati kuti. George tinomunzwa kuti munhu anovimba nemudzimai wake apo zvinonzi, “George nekuvimba nomudzimai wake akaenderera mberi nokuverenga” (19). Patinoudzwa nezvaMusiyiwa tinonzwa munyori achiti, “Chiso chake chairatidza kupfava kweungwaru” (21).
Mudzimai waGeorge anoti maererano nemukomana uyu, “Mukomana wacho achiri mudiki zvake asi anoratidza kushinga. Naicho chedu chivanhu ichi anoita sekunge anochinzwisisa” (23).

Maererano naGeorge tinonzwa kuti nyaya yeukama iyi aiiremekedza sezvo zvinonzi, “George somunhu airemekedza youkama, akanyemwerera norufaro rwokuti Musiyiwa akanga atove jaya” (23).

Kudimikira ndikwo kwatinoona kuchinzi shandiswei zvakati kuti. Tendai apo anobva kuchikoro anenge akatsamwa chaizvo izvo zvinodimikirwa zvichinzi, “. . . akabva asvikawo achibva kuchikoro muromo uri mumhuno” (19) izvo zvinotsinhirwa nemudzimai waGeorge apo anoti, “Tendai mwana wangu, chii chinokupa kuuya wakatsamwa kudai?” (19).

Kudimikira kwepiri tinokuona kuchiita zvekutevedzana kuri kuratidza kuzvipira kunoita George kubvunza mudzimai wake kuti ainge ati ane mazwi aaida kutaura naye. Zvinonzi, pava paya murume akazoita “zvokurovera mwoyo kudombo” ndokuzoti kwaari, “Ndenge ndanzwa kuti une matama neni?” (27).

Nyaya yaunzwa naMusiyiwa haizi yokungoti chiriporipotyo ndizvo zvazviri asi inoda kuti George nemudzimai wake vambonyatsofungisisa nezvayo saka George achidimikira achiti, “Tichaitsenga-tsenga” (23). Musiyiwa kupona kwaakaita apo imba yavo yakarohwa nemheni kwaive nepadikidiki chaipo sezvo zvinodimikirwa zvichinzi, “Akapona neburi retsono” (23).

Kuuya kwaita Musiyiwa kuzoshanda pamba paGeorge nemudzimai wake kwabva kwaita kuti zvinhu zvibve zvanyatsa kugadzikana nekufambira mberi zvakanaka. Ndosaka George achidimikira achiti, “Wave muchechetere mvura yeguvi” (23).

Tsumowo tinodziona dzichirunga mutauro kuti pfungwa yokuti, kana munhu achinge ada chimwe chinhu anototi asunge dzisimbe tinoona George achidenha pfungwa iyi netsumo inoti, “Anoimbira mwana haanete” (22). Kuuya kwaita Musiyiwa pamba paGeorge nemudzimai wake kuti aone pokuvanda agogona kubatsirwa, ndokusaka George achiti, “. . . sezvo zvichinzi kambudzi kuberekera pavanhu kuti nditandirwe imbwa” (23).

Zvinoda kuti utsvagewo kubatsirana nevamwe munyaya nemumabasa kuti zvinhu zvigofamba zvakanaka. Tinonzwa George achiti kune mudzimai wake “kuvhanga (kusanganisa) mukaka hurangana” (23).

Munhu anoita basa nesimba nechivindi nekuti anoziva kuti ndimo muchabva zvichamupa chouviri. Ndokusaka George achisimbaradza pfungwa yekuda basa ina Musiyiwa achiti, “Vakuru vakati simba rehove riri mumvura” (24).

CHITSAUKO 6 (Nyaya yacho)
Musi weChishanu svondo rechipiri Musiyiwa atanga basa, George anosvika pamba ndokunzwa izwi romwana wake achichema ndokubva audza mudzimai wake kuti aende kunze kunoona kuti Hazvinei aichema uyo ainge atemwa naSheila apo vairwira bhora. Anonyararidza mwana wake ndokusiya ati vatambe zvakanaka.
Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey