A-LEVEL — PAFUNGE: Josia atorwa moyo naAnna

27 Feb, 2015 - 14:02 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 3 (Ongororo: Enderero mberi)
Maitiro emurume wake aya, airatidza nekusava nemagumo, izvo zvinotsanangurwa zvichinzi mutoo uyu yakaramba ichingove “ndambirire nengatienderane inenge yengozha” (10). Rudo apo anosara ari pamba oga anoswera achisurukirwa achingotevedza mumvuri wamadziro “kunge mhuru yakasungirirwa pamuti nembimbi diki yegashu” (10).

Kutambudzika mupfungwa kunoita Rudo maererano nehupenyu hwake kunotsanangura zvinosiririsa munhu anoonekwa angosara musoro chete ivo makovoyo “yainge mombe nhore” (10).

Rudo apo anorongedza zviri mukamba kaJoe anoona zvinhu zvairatidza kunge zviri mumbatya izvo zvinonzi nemunyori tuhembe utwu twakange “twenge tumarishe twembeva nekusakara (11).

Marumirwo aiitwa Rudo naJoe netsikidzi anoti kuseka akati kusiririsa, zvanzi tsikidzi idzi dzairarovakwekweta ropa “semakakatirwo aiita hwomusungwa nezvidhakwa mubhawa” (10).

Mazwi anotaurwa naJoe anoita kuti moyo wakachena waRudo usvibe izvo zvinonzi wainge uchipinduka uchiita mutema “sorwaivhi rwasvika pamoto” (13).

Sekerambabvu yakapomhodzwa (mild sarcasm) tinoiona ichishandiswa naJoe apo anenge achinyomba Rudo. Tinomunzwa achiti, “munhu ane mwedzi chete abva kumishoni kunonzi vanhu vasareve nhema nhasi apanduka kuva amai vadzo” (13).
Kudimikirwa kunoitwa kunoita kuti tione maitiro aJoe.

Zvinonzi murume uyu “aiva chikonye chinoodza moyo waanofamba” kana kuti “chipfukuto chinopfukutira chibage padzinde “ (9).
Tsmba yainge yakanyorwa nemunhu ainge asina kuti A.T inoratidza kutambudzika kwainge kwasiirwa nyakumuramba ainge “amusungirira mukwende wenhamo pamafudzi” (12).

Mazwi aikandirwa Rudo naJoe aive makobvu nematete achishungurudza zvikuru ayo anonzi “marimi omoto” (12). Joe haagoni kutaura kana kuti zvaanotaura zvinosemesa saka munyori achidimikira achiti, “mukanwa makaumburukwa nechidembo” (13).

CHITSAUKO 4 (Nyaya yacho)
Tinodzorerwa shure tichitsanangurirwa nezvemumwe murapikadzi ainzi Annatoria Tichafa wepa kakiriniki kepa Mharapara kune kamwe kakomana kainzi Josia Rugare ako kakanzwa nezvemusikana uyu neshamwari yako yainzi Phainos Kamunda uyo aiva murairidzi pamishoni iyi.
Vaviri ava vanoronga kuti Josia aone masvikiro aangaite kune musikana uyu kuti agokanda shoko rerudo.

Phainos anotaurira Josia kuti adiwe naAnna, aitofanira kunyepedzera semunhu anofarira zvesvondo porongwa kuti abude mumba maPhainos oenda kunzira achiita kunge ari kubva kuchiteshi chemabhazi, kwava kunanga pamba paAnna asi ngaarege kumuudza kuti ishamwari yaPhainos uyo akambomupfimba akarambwa.

Josia anoita saizvozvo achibva kwaaiva asi aibva achiimba rwiyo rwokusvondo nemuridzo. Asvika pamba paAnna abvunzwa kuti ndiani, anoti Anna haangamuzivi, asi akazvarirwa munzvimbo iyoyo, munhu wesvondo ainge achida kuona mukoti waainge anzwa kuti ainge akauya kuzoshanda pamishoni ipapo. Sezvo ainge anzwa kuti mukoti uyu aifarira zvaMwari, semunhu aive pazororo remasvondo matatu, ainge achida kuti abatsirwewo pachitendero nemukoti uyu.

Anna anofadzwa nekunzwa izvi ndokupinza Josia mumba kuti varonge zvavaizoita vachibatsira.
Chinoshamisa Anna ndechekuti Josia aiita seasingafungidziri kuti waaitaura naye ndiye Anna, iro raive zano rake.

Josia anoti ashama achinzwa kuti Anna anogona Shona zvakadai uyo akati aifungidzira kuti munhu werudzi rwechikaradhi.
Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey