A-LEVEL — PAFUNGE…Pachikoro Rudo ndiye ongorehwa

02 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

. . . anozorova mumwe musikana
Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 14 (Ongororo: Enderero mberi):
Handiti aitowanikwa nomukomana ane kumushawo saiye? Vaifunga kuti Joe chidhakwa here kana kuti munyengeri? Ko, mashoko avakataura aireveiko?” (67). Tinosangana nemusoro webhuku iri, “Pafunge”, paPeji 66 mundima yekutanga. Winnie ava kugara kwaMutareyo kumakomoyo, ava kutonhongawo kutaurwa kunoitwa ikoko. Anotaurira vamwe vake vachiseka kuti ngavazvifunge, akaoorwa kwaMutare achisiya kumusha kwake kwaitaurwa chiKaranga asi iye zvino ava kutaura kunge SaManyika chaiye!

Saka Rudo achiti iyewo zvekumusha akarega sokunzwa kwaakaita. Iye zvino ava wekuGweru uko achangofira ikoko chero muguta imomo mune makuva anovigwawo vanhu.

Tinodzidzawo nezvetsika nemaitiro evanhu paPeji 64 pane zvapanotiratidza maererano naRudo. Tinonzwa kuti mwanasikana uyu “akanga asiri zengairwa romwana” ndokusaka asina kutevera Joe kuti aone kuti ainge aenda kupi. Chiedza ndiyewo mumwe uyo tinodzidza zvimwe maererano naye zvichinzi mwanasikana uyu “akarerekera musoro wake sezvo aive iwo matauriro ake achiratidza mutsa nechokwadi chake chese” (65).

Enzaniso nekudimikira zvinoenderana mukushandiswa sezvo zviri zvitatu. Panoenda Joe achisiya Rudo naSarah mumba, Rudo anosara “achinge achangoti svetu kuteverawo kwakanga kwaenda Joe wake” (64).

Apo anorara muchitima anomboti batwei nehope ozovharavhanyuka kwava kutarisa-tarisa kuti aone kuti Joe waainge achirota aivepo here. Izvi zvinoenzaniswa zvichinzi “senhuba iri kudyirwa chiredzo nehove” (64). Vasikana vari vatatu pavairova chikwee chavo, vaichitanga nekuchipedza sokuimba” (65).

Kudimikira kunenge kuchinzi panoonana vasikana vatatu ava hapadanwi anonzwa, vanombundirana vachifarirana “nokuimbirana zvinoyemurika” (64). Mufundisi Lovedale vanoda kuyambira Rudo achiti nyika izere nevanyengedzi izvo vanodimikira vachiti, “. . . Izere mapere ane matehwe amakwai” (66).

Hope padzinobata Rudo ava mumba make dzinoita sekunge dziri kuona sekuti ari kunyanya kufungisa nezvaJoe “dzikabva dzapfiga meso ake nepfungwa” (67).

CHITSAUKO 15 (Nyaya yacho):
Panovhurwa zvikoro Rudo anonopa Joe nduma yerudo pasina anomboziva zvinoitika pamberi pemumwe. Anonzi Petros Masango kuchikoro uku hakuzi kutsvinyira vamwe vasikana ikoko! Pachikoro panozara nyaya dzekureva Rudo, nerimwe zuva ndokubva arova mumwe musikana aimureva nechibhende.

Anotanga kugara ega asisatereri mumwe munhu kunze kwaJoe, mwana apanduka mukuita kwake zvechokwadi. Nguva yekupfigwa kwezvikoro inosvika apo mukuru wechikoro aive netsika yekuitira vana vanenge vapedza fomu yechipiri kamutambo kekuonekana apo painzi ani naaniwo zvake ataure zvaaida achionekana nevamwe.

Mukuru uyu ndiye aizotaura pekupedzisira achirayira vana kuti vachenjere munyika mavava kupinda muzere zviyedzo zvakasiyana-siyana. Tsamba dzinonoka kuuya musi uyu nekuda kwekuzara kwerwizi Mutorangwena zvekuti Rudo haafungi nezvekumusha.

Enderero mberi svondo rinouya.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey