A-LEVEL — PAFUNGE: Rudo anobatwa pahuro naJoe. . . vaviri ndokubidiritsana

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 21 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Joe ndipo apo anopindura achiita zvekusvotesa achiti vana vaviri vaainavo idoro raive muchigubhu chake nehasha dzaive mumusoro make ndokufamba achiuya kuna Rudo uyo anodududza kusvika pamadziro. Joe anomuti anoda mapiritsi okumedza nekuti kubvira musi wasungwa vamwe vake haasi kuwana hope. Rudo anorangarira kuti Joe airotomoka achivhumuka pakurara oti kana amuka otanga kutuka Rudo kuti asamubvunza chaimuvhumutsa

Rudo anofara nechemumoyo kuti zvaaida zvainge zvava kuzoitika, kwava kumbonyepera kuramba nawo ndokuzoti ko akamupa maviri aizomubatsirei. Joe anobva ati anoda akawanda Rudo ndokuti ngaambomurega amboverenga aone kana angakwanisa kumupa anogona kumukotsirisa zvokuti nyanya chaizvo.

Anoti manomwe ndiwo anokwanisa kukotsirisa munhu saka anogona kumupa matanhatu chete nekuti mamwe anoada.

Joe anokumbira ruregerero kwava kuti kuchengeta kwaanoita Rudo zvinoreva kuti anomuda, ndokukumbira Rudo kuti amupe mapiritsi manomwe agoona zvaachamuitira. Rudo anoti achamupa zvake ari manomwe asi kana aamedza, achazomutaurira kuti sei anga achimuti baba.

Joe anobva amedza mapiritsi ose aya Rudo akanyatsa kutarisisa. Joe anogara pamubhedha achiimba karumbo, Rudo kwava kuuya kuzogara pamubhedha nemurume wake anyerere, ava kuda kutyiswa nezvaakanga aita.

Joe anotenda Rudo achiti ava kunzwa muviri wake kupera simba saka Rudo ngaadzime rambi vachirara.

Rudo anodzima chirambi chegaba rejamu. Rudo anobvunza Joe kuti achakasvinura here.

Rudo anotauraura Joe kuti tsamba yaakamuratidza yaive pamusoro pebhokisi rake, yaakati yainge yakanyorwa nerimwe remazipfambi ake, yainge yakanyorwa naamai vake Annatoria Tichafa, avo vaainge apa pamuviri iye ndokubva avaramba.

Joe anoshaya chekupindura, Rudo ndokutora mufananidzo wake mubhokisi rake, ndokutorazve waamai vake ndokuuya nadzo pana Joe atungidza kamwe karambi. Anomubvunza kuti haaoni here kuti Annatoria ndimai vake chaivo.

Anomubvunza kuti naiyewo Rudo akasvika pakumuti ipfambi nekuti anoti vanhukadzi vose ndizvo zvavakaita. Zvino zvaive zviri mutsamba iya aizviziva zvekuti rufu rwaamai vake ruchawana acharutsiva pana Joe chete.

Joe anobva azadzwa nekutya kukuru Rudo ndokumuudza kuti mapiritsi aanwa aya aive okuti munhu abve akotsira zvachose, maviri chete ndiwo aiita kuti munhu akotsire achizomuka. Anomuudzazve kuti murume wake asi zvakare ari baba vake.

Joe anobva abatwa neshungu ndokunhamhukira pana Rudo. Kunyangwe zvake muviri wake wakanga varukutika, semurume anowana simba rokupunzira Rudo pasi negotsi. Apo anobata Rudo pahuro, mawoko ake angove nechiveve. Rudo anodzidziuka ndokutsedurira Joe pasi.

Zvinobidiritsana pasipo zvichiti murume pasi mukadzi pamusoro, mukadzi pasi murume pamusoro. Joe apo anoona kuti ava kukundwa simba, ndipo apo anoti oita zvezvibhakera, kwava kurova Rudo kumeso nepadumbu.

Panoedza Joe kusimuka ndokugara pasi, anoshaya simba kwava kusveerera banga rechingwa kuti abayise Rudo naro Rudo ndokuswedera kure. Joe anochema kufa kwake, kwava kukumbira Rudo ruregerero.

Pamusuwo panobva pagogodzwa Rudo kwava kunanaira kuenda kumusuwo asi haavhuri gonhi.

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links