Abba Voices yoparidzira vechidiki

29 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Abba Voices yoparidzira vechidiki

Kwayedza

CHIKWATA chiri kusimukira chevaimbi vemusambo wechitendero cheAbba Voices chekuKadoma chinoti donzvo racho ndere kuparidza vhangeri, zvikuru kune vechidiki, kuburikidza nemimhanzi.Abba Voices, iyo yakatanga kuimba nziyo dzechitendero mugore ra2014, iri pasi pechechi yeAll Families International Church (AFIC) Ministries.

Muhurukuro neKwayedza, mumwe wevakuru veAbba Voices, Kelvin Denga, anoti chikwata chavo parizvino chasimba uye ndicho chiri kutonga munyaya dzekuimba muKadoma.

“Chikwata chedu maimbiro acho ari kufarirwa neveruzhinji uye tave nevatsigiri vakawanda nekuda kwemaimbiro edu.

“Nziyo dzedu dzechitendero dziri kufadza vazhinji zvekuti panoitwa mitambo yakawanda tiri kudaidzwa tichivatandadza,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Chikwata chedu chakaumbwa nechinangwa chikuru chekuimba muchechi yedu yeAFIC Ministries asi veruzhinji nekunakirwa nekuimba kwedu vava kutidaidza kuti tivaimbire pavanenge vakaungana. Tiri kunyanya kudaidzwa muzvikoro pamwe chete nemamwe machechi asina mapoka anovaimbira.

“Tiri kutarisira kutsikisa dambarefu redu rekutanga nguva pfupi iri.

“Parizvino tine nziyo dzedu dzatakabura asi hadzisati dzatsikiswa kuiswa pamaCD,” anodaro Denga.

 

Share This:

Sponsored Links