Africa inokurudzirwa kutsigira zveutano

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Africa inokurudzirwa kutsigira zveutano DR Nkosazana Dhlamini-Zuma

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NYIKA dzemuAfrica dzinokurudzirwa kuti dzitsigire nyaya dzeutano zvizere nemari pamwe nezvimwe zvekushandisa sezvo dzisingakwanisi kubudirira pasina kusimukira kweutanho hweveruzhinji. Mashoko aya akataurwa nemutungamiriri weEthiopia, Prime Minister Hailemariam Desalegn, pamusangano wekurwisa zvirwere wakaitirwa kuguta guru renyika iyi, Addis Ababa, munguva pfupi yadarika uyo wakapindwa nevanoona nezveutano munyika dzemuAfrica.

“Upfumi hwenyika hausimukire kana tisina kurwisa zvirwere muvanhu vanoshandira nyika, kunyanya zvirwere zvitatu zvinoti HIV, rurind (TB)i nemalaria,” vakadaro.

Vanoti zvakakosha kuti vatungamiriri venyika vabatane mukurwisa zvirwere izvi.
“Kubatana uku hakurevi kuti pachedu chete asi kuti nemamwe masangano anorwira budiriro kuitira kuti tinge tichiwana zvekushandisa zvakakwana zvinosimbaradza nyaya dzeutano.”

Vanoti muAfrica mune shanduko huru munyaya dzeutano asi pachine matanho anofanirwa kutorwa kurwisa zvirwere.
Nyika zhinji dziri muAfrica dziri kurwisa zvirwere asi dambudziko rekushaikwa kwerutsigiro rwemari nezvekushandisa ndiro riri kutidzorera kumashure. Mumakore 2006 ne2011, mari yakashandiswa mukurwisa HIV, TB nemalaria yakaramba ichikwira. Pasi rose, mari yakashandiswa mukurwisa AIDS yakawedzera nechikamu che150% (Global Domestic Investiment).

VaDesalegn vanoti vanhu vari kuwaniswa mishonga yekurwisa HIV vari kuwanda zvakapetwa kazana kureva kuti pasi rose vanhu vanodarika 10 miriyoni vari kuwana mishonga iyi.

“Zvekare, ndufu dzechirwere chemalaria dzakaderera nechikamu che53% uye kuvana chakadzika ne58%. Vanhu vakarapwa chirwere cheTB vakawedzerawo ne86% mugore ra2013,” vakadaro.

Vanoti zvisinei nebudiriro yose iyi, zvirwere izvi zvichiri kure kuti zvipere zvachose apo AIDS iri pamberi mukuuraya vanhu muAfrica.
“Pasi rose AIDS yakauraya vanhu 1,1 miriyoni mugore ra2013. Vana vemuAfrica vachiri kufa zvakare nekuda kwemalaria paminiti imwe neimwe. Kurwiswa kwechirwere cherurindi kunofanira kuvandudzwa kuti kubatsire vanhu 1,3 miriyoni muAfrica,” vakadaro.

VaDesalegn vanoti panofanira kuva nehurongwa hunoendeka kwekutsigira homwe yeutano pasi pechirongwa cheHealth Financing Agenda 2063.

Vachitaurawo pamusangano uyu, sachigaro weAU Commission, Dr Nkosazana Dhlamini-Zuma, vakati Africa inofanira kuvandudza upfumi hwayo kuburikidza nekumutsiridza mahindasitiri kuti zvigobatsira mukusimudzira nyaya dzeutano. Vamwe vakapinda mumusangano uyu vaisanganisira Dr Mark Dybul, avo vanove chamangwiza weGlobal Fund, mukuru weUNAIDS vaVaMichel Sidibe naDr Adballa Hamdok vanove mutevedzeri wemunyori mukuru weUnited Nations Economic Commission for Africa.

Share This:

Sponsored Links