Uncategorized

Africa iri kupemberera

27 May, 2016 - 00:05 0 Views
Africa iri kupemberera VaEmmanuel Tayengwa Ushewokunze

Kwayedza

VaEmmanuel Tayengwa Ushewokunze

VaEmmanuel Tayengwa Ushewokunze

ZIMBABWE nemusi weChitatu svondo rino yakabatana nedzimwe nyika kupemberera zuva reAfrica Day. Zuva iri rinopembererwa musi wa25 Chivabvu gore roga-roga semucheredzo wekubatana kwakaita nyika dzemuAfrica mukurwisa hutongi hwehudzvanyiriri izvo zvakaita kuti dzose dzisununguke.

Kwayedza yakaita hurukuro nevanhu vakasiyana apo vamwe vanotenda zvikuru vatungamiriri vakazvipira kusunungura Africa kubva pasi pehutongi hwevadzvanyiriri.

Rudo Sungisayi (23) wekuGokwe anoti zuva iri rinofanira kurangarirwa sezvo nyika zhinji dzemuAfrica, kusanganisira Zimbabwe, dzisina kuwana rusununguko rwekuzvitonga nyore.

“Zuva iri ndicharipemberera ndichirangarira vakaita kuti Africa inge yakazvimiririra pasina kudzvanyirirwa kwaivapo kare nenyika dzekumavirira. Pazuva iri ndinoshuvira kuti vana vose vemuAfrica, kusanganisira vemuno muZimbabwe, vakoshese avo vakarwirwa kuti nyika dzemuAfrica dzive nerusununguko rwadzinarwo nhasi.

“Madzimai anofanirawo kufara nekuti kwava nemitemo inochengetedza nekusimudzira kodzero dzavo. Zvose izvi zvakaunzwa nezvizvarwa zveAfrica zvakarwira kuisunungura saka tinofanira kuri koshesa zuva iri,” anodaro Sungisayi.

Mashoko ake anotsinhirwa naVaEmmanuel Tayengwa Ushewokunze (52) vachiti zvakakosha kuti zvizvarwa zvemuAfrica zvizive nhoroondo yakaita kuti vanhu vatema vazvitonge.

“Vechidiki vazhinji havana ruzivo rwakakwana maererano nezvezuva iri. Ngavave neruzivo nekuti rakakosha kumwana wose weAfrica. Rinofanira kukosha nekuti takazvirwira toga sevana veAfrica kuzvibvisa muhunhapwa uye takazviita takabatana. Zuva iri ndicharipemberera ndiri pabasa asi shuviro yangu ndeyekuti ripembererwe zvine hudzamhu nevanhu vose. Ndinodaro nekuti takazvisunungura pachezvedu saka tinofanira kuzvirumbidza,” vanodaro.

Annah Mukusha (42) wemuHarare anoti zuva iri ndiro rimwe rakakosha munhorowondo yemuAfrica.

“Zvizvarwa zveAfrica zvinofanira kurikoshesa kuburikidza nemhemberero dzakasiyana. Isu makore maviri apfuura taienda kumamisha tonosangana nevabereki vedu tichiita mhemberero idzi. Kungoti mazuva ano zvinhu hazvina kunyatsomira zvakanaka asi ndicho chishuvirio chemunhu wose. Zvisinei ini ndicharipemberera ndichitengesa zvidyiwa kune vanenge vachipembererawo,” anodaro.

Tawanda Dimingo (21) wekuEpworth anoti haana ruzivo rwakakwana maerano nezveAfrica Day.

“Kutaura chokwadi ndanga ndisingazive kuti zuva iri ratosvika uye nekuti rinomboitwa nezvei. Ndaingorinzwa richitaurwa ndichingoti pamwe izuva risina kukosha. Zuva iri ndicharipemberera ndichinwa zvangu doro nevamwe vangu kunzvimbo dzekutandarira kwakaita sekuMbare,” anodaro.

Africa Day izuva rekucherechedza kubatana kwakaita nyika dzemuAfrica mugore ra1963 mukurwisa hutongi hwevapambepfumi apo mubatanidzwa uyu, uyo pari zvino wave kuzivikanwa seAfrican Union (AU), wainzi Organisation of African Unity (OAU).

Share This:

Sponsored Links