Africa ngairambe mahumbwe eicc

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Africa ngairambe mahumbwe eicc

Kwayedza

PANE pepanhau remasangano akazvimirira rakanyora musi uno kuti kubva President Mugabe vaita sachigaro wesangano reAfrican Union neSadc, vafamba nzendo gumi neshanu kuenda kunze kwenyika.

Kumunyori uyu, nzendo dzose idzi hadzina basa nezvokuti nyika iri mumatambudziko munyaya dzezvoupfumi. Kwaari, mutungamiri wenyika vari kutambisa mari nenguva zvingadai zvichishandiswa munyika.

Tobvunzawo kuti kubva mugore ra1980 kusvika nhasi uno, ndivana sachigaro vangani vashanda mushandiro iwoyu wokuedza kudzora Africa kuvaridzi vayo, uyewo kuita kuti vanhu vanzwisise kuti zviwanikwa ndezvavo, ngazvirege kutengeswa nemari yepasi-pasi nokuti tinoti Africa izere nokushaya?

Vangani vana sachigaro vakabata matunhu ose eAfrica saizvozvi? Kumabvazuva, President Mugabe vakasvika; kumavirira kweAfrica vakasvika; kuchamhembe nokumaodzanyemba vakasvikawo.

Asi pane vamwe, kusanganisira Mukwende vanokorokotedza President Mugabe, vachibvunza kuti vanozvigona sei? Chipo chakadai vagona kuchichengetedza sei? Nokuti mazera echidiki anovatsoropodza dai vainzi vaite zvavanoita pazuva rimwe chete, dai vave kupupa furo semombe dziri pajoko.

Musi weChishanu masvondo maviri adarika vakaenda kumusangano weAfrican Union kuSouth Africa. Ndivo vaive sachigaro nokudaro ivo naDr Nkosazana Dlamini Zuma vaive vana mapata-kii.

President Mugabe vakadzoka munyika mangwanani eChipiri svondo rapera, vakapinda musangano namakurukota eHurumende. Mushure mezvo, vakatambira muenzi, mutungamiri wokuMali, VaIbrahim Boubacar Keita, vaishanya kwemazuva matatu muno.

Asi ngatidzokei kune zvakaitika kuSouth Africa apo sangano reSouthern Africa Litigation Centre (SALC) rakakunga zvibhakera richiti hurumende yeSouth Africa inofanirwa kusunga mutungamiri weSudan, VaOmar al-Bashir kana vapinda muSouth Africa kwavaiuya kumusangano weAU, voendeswa kusangano reInternational Criminal Court kuti vanotongwa sezvakaitwa VaCharles Taylor naVaLaurent Gbagbo.

ICC ikarabhu inopindwa nenyika pasina kumanikidzwa, asi muzinda wayo uri kuguta reThe Hague, kuNetherlands kuEurope uko.

South Africa inhengo yeICC, asi Sudan haisi!

Nyika dzinopfuura makumi matatu dzeAfrica dzakabvuma kuve nhengo dzeICC, asi vamwe vavo vave kukungura nokuti vari kuona kuti dai range riri sangano riri pachokwadi chokutonga mhosva dzose dzine chokuita nokutyorwa kwekodzero dzavanhu, dai vatungamiri vakawanda zvisinei nedunhu reAfrica vakasungwa, vari kuICC.

Mutungamiri weKenya akange ari kumusangano weAfrican Union anoiziva nhamo yacho nokuti akamboeneswa ndondo nesangano reICC.

Chiri kuramba chichivhura vanhu maziso ndechokuti sei sangano reICC rakanangana navatungamiri veAfrica bedzi, asi kuEurope nokuAmerica variko vatungamiri vakaita saGeorge W. Bush, Barack Obama, Tony Blair, Nicolas Sarkozy, David Cameron vangadai vachitongwawo nedare reICC pamusana pemhosva dzakafanana nedzavari kupomera vatungamairi vakaita saPresident Al-Bashir?

Ganda ravo rinovaita kuti vave vakakosha here kana kuti ganda ravo rinoita kuti mhosva dzavanenge vapara dzinzi hadzisi mhosva?

Kana kuti chimiro chenyika dzavo, chokuti vakapfuma?

Zvakanyanya kusvota panyaya yaPresident al-Bashir ndezvokuti ICC yakashandisa vachena “biya vavo” kuti hurumende yeSouth Africa ivasunge, kunge zvinonzi vakange vashanya ivo vakange vari kumusangano weAfrican Union.

Panguva yaiitwa misangano, kuSandton (Johannesburg), nzvimbo iyi yakange isina kusiyana nokuti musangano waitirwa kumuzinda weAfrican Union, kuguta reAddis Ababa, kuEthiopia.

Kana payakaendeswa kudare musi wokutanga, munhu mutema wawaiona aive muchuchusi chete. Jaji nemagweta esangano reSALC vaive vachena.

Kana dzimwe nhepfenyuro dzeTV dzaive nevashambadzi vechichena chete, vana mazvikokota vaibvunzwa vaive vachena chete. Waishaya kuti iSouth Africa iri kurevei kunze kweAfrica.

Kunyange zvavaida zvisina kubudirira, asi vakakwanisa kuti vabvise pfungwa nemaziso evanhu pamusangano wakakosha kudai, nokuti munhu wose akange ave kuti President Jacob Zuma vachabvuma chikumbiro cheSALC nematare omunyika mavo here. Kana vabvuma zvorevei, iwo musangano unobatanidza Africa uri kuitirwa munyika mavo?

Mupfungwa dzavanhu, nyaya yaColonel Muammar Gaddafi, avo vaive mutungamiri weLibya vakapondwa nevapanduki vachibatsirwa nesangano reNATO yaitenderera, nokuti South Africa, Nigeria neGabon ndidzo nyika dzakavhota kuUnited Nations Security Council kuti zvakazosvitsa pakuurawa kwaVaGaddafi zviitike.

Asi namashoko mashoma-shoma, tariro ndeyokuti vanhu veAfrica vakazviona kuti vanhu ava havavade, uye havana hanya nebudiriro yamunenge muchironga moga. Vanoda kuti mugare muchipemha kwavari, ivo vachitora upfumi hweAfrica mahara.

Ndizvo zviri kurambwa nasachigaro weAU President Mugabe izvozvo. Zvekuti zviwanikwa zveAfrica zvigutse vaRungu vekunze uko, ivo vana veAfrica vachisara vasina chavanacho. Haiite iyoyo!

Chakachenjedza ndechakatanga. Yasvika nguva yokuti vakapinda musangano reICC vazvibvunze kuti vari kutsvagei.

Zvine pundutso yei kuramba vachingobikiswa mahumbwe?

Share This:

Sponsored Links