Africaid yorwisa HIV

09 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Africaid yorwisa HIV

Kwayedza

SANGANO reAfricaid, kuburikidza nechirongwa cheZvandiri, riri kuita mabasa ekurwisa kupararira kweutachiona hweHIV kune vechidiki nekuvafundisa nzira dzekudzivirira kutapurirwa hosha iyi uye kuti vanovhenekwa nekukasika.

VaTinashe Rufurwadzo, vanove murongi kusangano iri, vanoti ongororo yakaitwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana gore rapera maringe nehuwandu hwevanoda mishonga yemaAntiretroviral Drugs (ARV), inoratidza kuti vanhu 1,4 miriyoni — vanosanganisira vakuru nevana — vanoda mishonga iyi.

Pahuwandu uhwu, vana vari pasi pegore kusvika pamakore 14 ekuberekwa vanosvika 77 000 uye vati kurei vachisvika 69 000 vanova vane makore 10 kusvika 19.

“Pari zvino chikamu che80% chevanhu vari kurarama neutachiona hweHIV vari kuwaniswa mishonga yemaARVs.

Panguva iyo paine shanduko huru munyaya dzekurwiswa uye kupedzwa kweHIV neAIDS mugore ra2030 muvanhu vakuru nevadiki, utachiona uhwu huri kuramba huchiwanda mune vachiri kuyaruka zvinova zviri kukonzera ndufu dzakawanda,” vanodaro.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana, rakabatana nesangano reUnited States of America President’s Emergency Plan for AIDS Relief (PEPFAR), rakatanga chirongwa chekurwisa HIV, che90-90-90.

Pasi pechirongwa ichi, chikamu che90% chevanhu vanofanira kuziva pavamire maringe nezveutachiona hweHIV.

Pamusoro pezvo, chikamu che90% chevanhu vanofanirwa kuti vange vari pamishonga yemaARV uye kuti vakunde mukurwisa utachiona HIV mumuviri yavo.

Zvisinei nekuwaniswa kwemishonga yemaARVs, vachiri kuyaruka vakaonekwa kuti vari kukundikana kuenda kunovhenekwa utachiona hweHIV uye kana vachinge vaita saizvozvo, kazhinji kacho vanokundikana kuramba vari pamishonga.

Vana vanorapwa kuburikidza nerubatsiro rwevabereki vavo, ndivo vazhinji vari kukundikana kuwaniswa mikana yekunorapwa uye kuvhenekwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Zvikonzero izvi zvinosanganisira kuti mubereki anogona kudaro achityawo kuti angagumisira ave kuziva nezveutachiona huri mumwana kuburikidzwa nekuvhenekwa kwaanenge aitwa.

“Ichi ndicho chikonzero Africa yakabatana nedzimwe nyika dziri pasi rose mukupemberera zuva reWorld AIDS Day takatarisana nevana uye vechidiki avo vari kurarama neutachiona hweHIV pamwe nevachengeti vavo pasi pedingindira rinoti, “Kuvhara mwena inounza humwe utachiona hutsva hweHIV,” vanodaro VaRufurwadzo.

Gore rino, mhemberero dzeWorld AIDS Day dzakaitirwa kuMbizo Stadium, kuKwekwe, uye zuva iri rinocherechedzwa musi wa1 Zvita.

VaRufurwadzo vanoti vane shungu dzekutarisa nyaya dzekukosheswa kweutano hwevana uye vechidiki vanove vari panyatwa yekutapurirwa kana kutapurirana utachiona hweHIV.

Kuburikidza nerutsigiro rwebazi rezveutano nekurerwa kwevana, bazi rinoona nezvekushanda kweveruzhinji uye sangano reNational AIDS Council of Zimbabwe, Africaid yave nemakore gumi nemaviri ichitsigira chirongwa cheZvandiri.

Chirongwa ichi chinobatsira mukurwisa utachiona hweHIV munharaunda kuburikidza nekuwanisa nzira kwadzo dzekurapwa, dzidziso kubvira pavana vasati vasvitsa gore kusvika kune vava nemakore 24 okuberekwa.

“Pari zvino tiri kudzidzisa vanhu vanodarika 799 munharaunda dzakatsaukana avo vanotsigira mukurapwa kwevechidiki vanenge vaonekwa kuti vane utachiona hweHIV pasi pechirongwa chinodaidzwa kunzi Community Adolescent Treatment Supporters (CATS) mumaguta nekumaruwa.

‘‘Tine tarisiro yekubatsira vechidiki vanodarika 70 000,” vanodaro VaRufurwadzo.

Murongi mukuru kusangano reNational AIDS Council kudunhu reMidlands, VaMambewe Shumba, vanoti vanofara zvikuru kuti chirongwa ichi chakaitwa mudunhu mavo.

“Chirongwa cherudzi urwu chakapedzisira kuitwa mudunhu muno mugore ra2005 saka tinofara zvikuru kuti gore rino chadzoka zvakare muno uye vanhu vachabatsirikana nekuwaniswa ruzivo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey