Afz yosimudzira e-learning

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Afz yosimudzira e-learning AFZ Projects manager WO2 Kennedy Rumombe

Kwayedza

AFZ Projects manager WO2 Kennedy Rumombe

AFZ Projects manager WO2 Kennedy Rumombe

MAUTO emuchadenga, eAir Force of Zimbabwe, ari kusimudzira dzidzo kumaruwa kuburikidza nehomwe yeAFZ Commander Charity Fund uye svondo rapera vamwe vadzidzisi vechikoro chiri kuMt Darwin vakabatsirika pasi pehomwe iyi apo vakaita zvidzidzo zvemakombiyuta muHarare, zveE-Learning, pakudzidzisa vana.

Vadzidzisi vepaMurongwe Primary School vakaitiswa zvidzidzo izvi nekambani yeNEP Nauba Investments, iyo inopa mazano ekudzidziswa kwevana kuburikidza nemakombiyuta kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari.

Project manager veAFZ, Warrant Officer Class 2 ( WO2) Kennedy Rumombe, vakati donzvo ravo nderekusimudzira fundo yemwanasikana kumaruva.

“Dzidzo ikodzero yemwana wese. Takaona zvakakosha kuti vana vawane mukana wekudzidzawo muzvikoro zvakavakwa zvakanaka. Vana ava ndivo vatungamiri vemangwana naizvozvo vanofanirwa kuwana fundo yakazara,” vakadaro WO2 Rumombe.

Vakati chimwe chakakosha ndechekusimudzira vadzidzisi vekumaruva kuti vaite basa ravo vakasununguka.

“E-Learning yatoveko kuMurongwe Primary, izvo zvinova zvave nyore kudzidzisa vana vechikoro vakawanda uye vachifambiranawo nenguva yechizvino-zvino. Vadzidzisi pamwe nevana vanofanirwa kuva neruzivo rwemakombiyuta,” vakadaro WO2 Rumombe.

“Chirongwa chedu chiripo pakusimudzira vana vanoshaya vakaita senherera.

“Tinovabatsira kuti vaite mabhindauko ekusimudzira chikoro sekupfuya huku, nguruve nekurima zvakasiyana-siyana sehowa, muriwo nechibage.”

Vakati chikoro ichi vachisimudzira kubvira apo vana vaidzidzira mumakamuri aive akavakwa nemapango kusvikira iye zvino apo chava nedzimba dzekudzidzira nedzevarairidzi dzezvidhinha nemagetsi.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaObert Chengeta, avo vanova information manager weNauba vakati zvakakosha kuti vana vechikoro vafambirane nenguva munyaya dzemakombiyuta .

“Tiri kupakura hunyanzvi hwemakombiyuta kubva kugwaro reECD kusvika kuA-Level muzvidzidzo zvese izvo zvinoita kuti zvive nyore mukuchengetedza nguva zvakare vana vakawanda vanodzidzisika panguva imwe chete,” vakadaro VaChengeta.

Mukuru weMurongwe Primary, VaPaul Chimbudzi, vakatenda homwe yeAFZ Commander Charity Fund nerubatsiro rwavari kupihwa.

Vakati chimwe chavanoda kubatsirwa nacho pachikoro chavo inyaya dzekukoshesa rurimi rwaamai, tsika nemagariro pamwe nemitambo.

“Pachikoro chedu tinoda kuvakirwa pekutambira mitambo yakaita setennis nebasketball nekuti vana vari muzvikoro zvekumamisha vane matarenda emitambo iyi saka ngativasimudzire,” vakadaro.

VaChimbudzi vakati chishuwo chavo zvakare kuti pachikoro chavo vana vakaremara vawaniswe zvekushandisa kuitira kuti vave nemikana yakaenzana nevamwe.

Share This:

Sponsored Links