Aguero orambira kuMan City

17 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Aguero orambira kuMan City

Kwayedza

MUTAMBI weManchester City – Sergio Aguero – anoti ari kurwa kuti adzokere muchikwata ichi uye zvasarira kwachiri kuti chinoda kumutengesa here pachapera mwaka uno.

Aguero, uyo anove ndiye ari kutungamira pakunwisa muchikwata chake – anwisa ka18 kubva mumitambo 26.

Muchinda uyu akasiiwa mumitambo miviri yakatevedzana yeCity sezvo mutambi wekuBrazil – Gabriel Jesus – ndiye aitanga, uyo akanwisa kaviri apo vakakunda Swansea City 2-1 svondo radarika.

“Kwete, handidi kubva. Ndinoda kubatsira chikwata changu nepandinokwanisa mumwedzi mitatu yasara iyi yekupedzisira. Pamberi tozoona kuti chikwata chiri kuda chii chaizvo kubva kwandiri,” Aguero akaudza mapepanhau ekuBritain paakabvunzwa nezveamangwana rake.

“Mumakore matatu anotevera, kondirakiti yangu ichapera ndosaka ndichiti ndinofara chaizvo kuchikwata chino.

“Mumwedzi mitatu yasara ndinoda chaizvo kubatsira chikwata nepandinokwanisa, uye chikwata ndicho chichataura kuti chichiri kundida kuno here kana kuti kwete.

“Dzimwe nguva ndizvo zvinoitika.

“Kana wakagara pabhenji unofanirwa kumirira mukana wako.

“Ndine mwedzi mitatu yekushanda nesimba ndoedza kubatsira chikwata changu tozoona kuti ramangwana rakamira sei.”

Aguero akati anofunga kuti ane zvaanodzidzawo kubva kuna Jesus uyo ane makore 19 okuberekwa.

“Mutambi wepamusoro. Mutambi wechidiki, achadzidza zvakawanda kubva kuCity uye achave neramangwana rakanaka kuchikwata chino,” akadaro.

“Panguva ino ndichambotarira ndoona matambiro ake ndichidzidza matambiro aanoita.

“Ndagara makore akawanda muEurope ndichitamba nenzira imwe chete.”

City yakagara pechitatu palog uye yakasiiwa nezvibodzwa 10 neChelsea kubva pamutambo 24 yayatamba. Svondo rinotevera ichasangana neBournemoth iyo yakagara pechi14 palog. – SuperSport.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey