Aibvisa mendenenzi yemwana akaroorwa

01 May, 2015 - 00:05 0 Views
Aibvisa mendenenzi yemwana akaroorwa

Kwayedza

Memory Lemani
MURUME wekubhadhara mari yekuchengeta vana vana, mumwe wacho akatoroorwa, akaenda kudare achida kuti mari iyi dzikiswe. Norman Chivaka akaendesa mudzimai wake, Sarah Sadya, kudare reHarare Civil Court achida kuti ridzikise mari yaanobhadhara yekuchengeta vana ava kubva pa$120 pamwedzi kusvika pa$90.

Chivaka akati mwanasikana wake mukuru, uyo ane makore 15 ekuberekwa, ave kugara nemurume nekudaro hazvichaita kuti arambe achimuchengeta.

“Changamire, hazvigoni kuti ndirambe ndichibhadhara mari yemwana uyu nekuti akatizira, ava kugara nemurume. Ndinokumbira kuti ndibhadhare $90 yevana vatatu vasara kumba,” akadaro.

Zvakadaro, Sadya haana kupikisana nezvakataurwa naChivaka zvekuti mwana wavo uyu ave kugara nemurume.
Zvisinei, Sadya akati hazvaiita kuti mari iyi idzikiswe kusvika pa$90 nekuti $120 iri kubviswa naChivaka ishoma sezvo kuine chikwereti kuchikoro kwevana.
Mutongi Ruth Kamangira-Samukange akati Chivaka abhadhare $105 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey