Akaba doro re$1

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Akaba doro re$1 court

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NYADZI dzinokunda rufu!

Murume wekuChitungwiza akashaya pekupinda mudare nekunyara apo akabatwa nemhosva yekuba bhodhoro rimwe chete redoro reSuper Chibuku rinokosha $1 muchitoro cheChoppies Supermarket chiri kuTown Centre, ikoko.

Smith Lasbaes (30) wepanhamba 3405 Unit D, anobvuma mhosva yake pasina kukakama.

“Hongu ndakaba,” anodaro apo akabvunzwa mudare. Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Yeukai Chigodora, akamupa chirango chekubhadhara faindi ye$20 uye kukundikana kwake anogara mujeri kwemazuva gumi. Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa18 mwedzi uno, Lasbaes akapinda muchitoro cheChoppies umo akaba bhodhoro redoro zvikaita kuti asungwe apo akange ave kubuda naro asina kubhadhara.

Murindi wepachitoro ichi, Pamela Gadzira, ndiye akamira semumhan’ari munyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links