Uncategorized

Akabata ambuya pasiripo . . .mukuwasha oripa njuzu

22 May, 2015 - 00:05 0 Views
Akabata ambuya pasiripo . . .mukuwasha oripa njuzu

Kwayedza

  • Nemupunga nezviwitsi

Nyore Madzianike
MUKADZI wekuEpworth, muHarare, akagumbukira mukuwasha wake zvekusvika pakumumhan’arira kudare achimupomera mhosva yekudziirwa zvekumubata mazamu nekumurova.

Ambuya ava vari kuda kuripwa nemombe, huku, mupunga nezviwitsi sezvo vachiti zvakaitwa nemukuwasha uyu zvakatsamwisa shave renjuzu riri paari.

Gladys Gwati (61), wepa1530 Zinyengere, akamhan’arira mukuwasha wake Gardener Manene (31) kuHarare Magistrates’ Courts achiti akamubata mazamu mubhawa apo ainge achida kutengesa mabhodhoro edoro.

Manene ari kuramba mhosva iyi paakamiswa pamberi pamutongi Takunda Mutetwa.

“Mumhan’ari ndiambuya vangu. Zvakaitika ndezvekuti musi wa16 Zvita gore rapera ndakatumwa kunotenga mascuds maviri neshamwari dzangu.

“Ndipo pakapinda ambuya vangu mubhawa umu. Vakandikumbira kuti vanwewo doro asi ini ndakaramba ndichiti raive risiri rangu.

“Vakaedza kundibvutira doro riya izvo zvakaita kuti ndiriise pasi. Vakabva vatora chimwiwa chandaiva nacho vakaedzazve kuvhura.

“Ndakavatorera chinwiwa chiya sezvo chaive chisiri changu. Izvi hazvina kuvafadza vachibva vabuda panze pebhawa vakadzoka vakabata madhaka avakasvikondizora.

“Ndakavabvunza kuti sei vaiita izvi vakandipindura kuti shavi ravo renjuzu ndiro raivatuma kuita saizvozvo.

“Ini ndakabva ndabuda mubhawa umu ndichienda kumba,” anodaro Munene.

Munene akaudza dare kuti akazoshamisika achitambira tsamba kubva kuna ambuya vake vachiti vakanga vashanyirwa nenjuzu ichiti vaifanira kuripwa nekuda kwechiitiko ichi.

Anotizve ambuya vake vakamuti njuzu iyi inoda kuripwa uye mutambo wekuripa waizoitirwa kurwizi pazuva reKisimusi gore rapfuura.

“Ndakaedza kutaurirana navo asi vakaramba vachiti njuzu iri pavari iri kuda kuripwa. Vakati papanodiwazve mombe, mbudzi, huku, zviwitsi, mupunga nemakenduru matatu.

“Mumhan’ari akati ndaifanira kumuripa musi wa25 Zvita uye zvaizoiitirwa kumvura.

“Ini ndakati mombe handikwanise kuiwana asi ndakazoenda nehuku kumba kwavo.

“Vakaramba huku yacho vachiti itsvuku uye njuzu iri pavari haidi ruvara rweropa,” Manene akaudza dare.

Asi Gwati akaramba akasimba achiti mukuwasha wake akamubata mazamu izvo zvakatsamwisa shave renjuzu riri paari.

“Musungwa uyu mukuwasha wangu uye ndinomuziva kwemakore gumi nemaviri.

“Ini ndakaenda kubhawa uko ndaida kutengesa mabhodhoro angu edoro. Mukuwasha wangu ndipo paakauya nekumashure kwangu akandibata zamu rangu.

“Ndakamubvunza kuti aiiteyi sezvo ari mukuwasha wangu, akabva andisandudzira kumadziro,” anodaro Gwati.

Achibvunzwa nemuchuchisi Gayton Vhiriri nenyaya yekuripisa mukuwasha wake, Gwati haana kuramba.

Gwati akati njuzu iri paari inoda kuripwa sezvo simba riri maari roderera.

Muchuchisi Vhiriri akaudza dare kuti nomusi wa16 Zvita 2014, Gwati akaenda kuSocket Bar riri paStopover, kuEpworth, achida kutengesa mabhodhoro edoro.

Zvinonzi Manene akabva nechekumashure kwaGwati akabva amubata mazamu ake. Manene anonzi akabva arova ambuya vake mbama zvakazoita kuti nyaya iyi imhan’arwe kumapurisa. Nyaya iyi ichiri kuendera mberi nekutongwa mudare iri.

 

Share This:

Sponsored Links