Akabatwa achibobodza madziro emba

10 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Esau Hokonya ari kuGWERU
MURUME wekuGweru, wekuzvuzvurudza vamwe samusha vaanofungidzira kuti vaiita zvemubobobo mumadziro memba yake apo iye nemudzimai wake vainge varere husiku zvekusvikira akuvara, akaigochera pahutsi zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva yekurova munhu.

Mernad Konjera (34) anogara paRailton Club National Railways of Zimbabwe, kuGweru, akabatwa nemhosva yekurova William Hove (52) anova muvakadzini wake uye waanoshanda naye zvakare. Mutongi wedare reGweru Magistrates’ Courts, Judith Taruvinga, akatemera muchinda uyu chirango chekubhadhara faindi ye$120 musi wa30 Chikumi usati wasvika uye kukundikana kwake achazogara mujeri kwemwedzi miviri.

Muchuchisi Pearson Muringani akaudza dare kuti mumwedzi waChivabvu gore rino munguva dzehusiku, mumwe wevafakazi, Foster Phiri, akaona Hove ari paRailton Club National Railways of Zimbabwe akamira pamadziro emba inorara musungwa akaderedza bhurugwa rake kusvika mumabvi. Hove anonzi panguva iyi aive akaburitsa sikarudzi yake iyo yaive yakatirimuka.

Pakarepo, Phiri akabva anoudza Konjera uyo akanga akarara nemudzimai wake.

Nenguva isipi, Konjera akamuka pamwe chete nemudzimai wake ndokutanga kutsvaga mumhan’ari uyo akanga atotiza anohwanda mumahuswa padyo nepamba apa.

Vakazomuona akahwanda zvikaita kuti Konjera abvunze Hove chikonzero chakaita kuti amire mumadziro memba yake uye akaderedza bhurugwa rake kusvika kumabvi.

Hove haana kupindura izvo zvakaita kuti Konjera amuzvuzvurudze kusvikira akuvara asi akazokwanisa kupunyuka ndokunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Mumwe wevafakazi, Judith Taruvinga, akaudza dare kuti Hove anogara achionekwa achiita zvemubobobo apo anenge ari mumadziro medzimba dzevanhau munzvimbo iyi.

Hove akaudza dare kuti haaite zvemubobobo asi haana kukwanisa kutsanangura zvakajeka kuti aiitei paakaonekwa akamira mumadziro memba yaKonjera.

“Ini handiite zvemubobobo, ndaive ndakangomira chete mumadziro memba pandakaonekwa,” akadaro Hove.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey