Akabongomora kuchema mudare

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Lizzy mushoriwa —
MURUME samusha akabongomora kuchema mudare nekuda kweshungu achiti aimbova mudzimai wake anomurova pamwe nekuudza vanhu kuti ane chirwere chemukondombera.

Pasca Chimhuka akaudza dare reHarare Civil Court kuti haana rugare nekuda kwemaitiro aDorothy Chinyanga.

“Changamire, ndauyawo nechikumbiro chekuti amai ava vasandituka uye kundirova. Vane tsika yekuuya kubasa kwangu vachiita mhirizhonga saka ini ndinoda kuti varege hunhu hwavo uhu nekuti ndave kutotadza kushanda zvakanaka,” anodaro Chimhuka.

Anoenderera mberi achiti vakarambana naChinyanga mushure mekunge vaita mwana mumwe chete uyo waanoitira zvose asi zvakadaro, anongoramba achimushungurdza pamwe nehama dzake.

“Takarambana tiine mwana mumwe uyo wandinoitira zvose. Asi amai ava havatendi, anotuka chero hama dzangu saka ndaneta nazvo ini,” anodaro.

Chinyanga akabva amugama achiti Chimhuka anonyepera dare asi kuti ndiye anotomushungurudza. Anoti Chimhuka anouya kumba kwake achinyepera kuda kuona mwana asi ozopedzisira amumanikidza kuita bonde naye risina dziviriro, izvo zvinomushungurudza.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Chimhuka gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>