Uncategorized

Akada kudya kacheche muchechi

21 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Akada kudya kacheche muchechi

Kwayedza

Kingstone Mapupu  —
MUKADZI wechidiki wekwaNzvimbo, kuChiweshe, anonzi akabatwa neshavi rekuroya svondo rapera ndokutanga kurwerwa rute achida kudya mwana wake kasvava.

Izvi zvakaitika apo mukadzi uyu aive muimwe chechi iri kwaMachipisa, mumusha weHighfield, muHarare.

Mary, uyo asina kudura zita rake rakazara asi ndokuti ane makore 30, akabatwa neshavi rinonzi nderekuroya iri apo aive muchechi yeHouse of Grace International Ministries iyo inotungamirirwa naProphet Sham Hungwe.

Pazvakamubata mutori wenhau uno aripo, Mary akatozobvutirwa kamwana kake nevamwe vanamati apo aiedza kukadya.

Musi uyu, Mary aiwomba achitaura kuti aida kudya kamwana aka.

Mary achichema apo anonzi aive akabatwa neshavi rehuroyi.

“Ndakataura kuti ini handidi kuti mwana uyu (Mary) aite imba asi vanhu havana kunditeerera. Akamupa murume ndiyani?

“Anofanirwa kugara neni chete ndichiita zvandinoda naye. Kamwana aka ndinoda kukadya mose muchiona. Akangwarisa mwana uyu, ndiyani akamuudza kuti auye kuno kuchechi? Anofunga kuti ndinomusiya, zvino handimusiye, ndinokadya chete kamwana aka,” waidaro mweya waiva wakabata Mary apo aiumburuka pasi.

Kasvava kaive nemudzimai uyu kakazotorwa nemamwe madzimai apo Mary ainamatirwa.

Panguva iyi, Mary aichema achizvipunzira pasi nekuwumburuka zvemucheno zvikashaya basa.

“Ndiburitsei muno muri kupisa, kamwana aka kandiunzire chii kuno? Zvino kamwana kake ndinokadya chete. Iwe (kureva Prophet Hungwe) haundigone, uchandiguta pano,” anodaro.

Kwayedza yakazotaura naMary mushure mekunge mweya waive paari waenda apo akabvunzwa kuti chii chiri kuitika kwaari asi akamboramba akawudyura maziso achiratidza kusaziva zvaiitika.

“Handizive kuti chii ini. Ndinongoziva apo ndanga ndichinamata nevamwe mukati ndiine mwana wangu ndokubva ndatadza kuziva zvandiri. Ndinonzi ndine mweya wehuroyi unonzi unobuda pandiri kubva kare.

“Ndiri kuda kuedza kubatsirwa pano kuti ubviswe nekuti wanditambudza. Ndafamba ndichiudzwa kuti mweya uyu waisada kuti ndiroorwe kana kuita mwana,” anodaro.

Mary akademberera Kwayedza kuti isamuburitse munhau achiti kana nyaya yake ikabuda, zvinoita kuti vavengi vake vazive zvaari kuita kuedza kupedza dambudziko iri. Pamusoro pezvo, anoti musi uyu ainge atiza murume wake kumba ndokuenda kuchechi, nekudaro imba yake ingaparara kana zvikazivikanwa.

“Imi muri vezvei? Veduwe musandiburitse mupepa, imba yangu inoparara. Ndauya kuno baba (murume wake) vasingazive,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links