Akadashurirwa makuhwa

27 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

SHAMWARIKADZI yakamhan’arira chikomba chayo kudare redzimhosva mushure mekunge yarikitirwa nyaya dzemakuhwa.

Contilda Chisasa (31) wepanhamba 34081 Unit K, kuChitungwiza, akazvindikitwa naFarai Matora (34) – anogara panhamba 30804 kuUnit K kwakare – uyo akatongwa nemhosva yekurova neyemhirizhonga.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Blessing Murwisi, akapa Chisasa chirango chekubvisa faindi ye$50 uye kundikana kwake aizogara mujeri kwemwedzi mitatu.

Zvakadaro, mimwe mwedzi miviri yakasendekwa padivi paine chitsidzo chekuti haafaniri kupara mhosva yakafanana neiyi mukati memakore mashanu anotevera.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa11 Chivabvu munguva dzehusiku, Matora akaenda kumba kwaChisasa achimupomera mhosva yekuti akange achiita basa rekumunyeya neshamwari yake.

Akamutaurira kuti vaitofanira kuenda vose kumba kweshamwari yake iyo ainzi vaiita makuhwa nayo achibva atangisa kumurova nezvibhakera nembama muviri wose.

Pavakasvika pamba peshamwari yake, vakapinda mumba vachibva vaishaya izvo zvakaita kuti amurove zvakare.

Chisasa akaenda kuchipatara kunorapwa uye magwaro ekwachiremba akamurapa akaburitswa mudare seumboo.

Zvisinei kuti Matora akamboedza kurambisisa nyaya iyi, dare rakamubata nemhosva.

“Handina kumbomurova ndakangomusandudzira akawira pasi mushure mekunge andiruma ruwoko,” akadaro achiedza kuvhika mhosva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey