Akadashurwa achienda kuchechi

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Akadashurwa achienda kuchechi

Kwayedza

MUKADZI wekuti akazvambaradzwa pakati peguta achipomerwa mhosva yekutora murume wemuridzi akazopotera kudare.

Joyce Chita akamhan’arira Nora Murezwa, uyo aimbova mudzimai wemurume wake, Fredreck Ngwaru, kuHarare Civil Court achiti anomurova pamwe nekumutukirira nguva zhinji.

“Changamire, ndapoterawo kuno nenyaya yekuti ndanzwa nekushungurudzwa namai ava. Vanonditukirira nekundirova zvekutoti ndakanyara masvondo apfuura apo vakandirovera pakati petaundi ndichienda kuchechi ndikatozonunurwa neveruzhinji,” akadaro Chita.

“Anonditi pfambi ndakamutorera murume asi handizvo nekuti vakarambana nemurume wangu ndikatoroorwa zvekutobvisirwa mari kumba kwedu saka haana mvumo yekunditi ndakamutorera murume. Akatadza kuchengeta imba yacho saka ngaandipe mukana yava nguva yangu,” akadaro Chita.

Achipawo divi rake, Murezwa akati murume ndewake.

“Murume ndewangu shamwari, ndakatenge ndinaye ‘two weeks ago’. Chava kumutadzisa kuuya kumba mazuva ose inyaya yamai ava vari kuda kundiputsira imba yangu. Kumurova handina asi kuti ndakangomubata bendekete ndichida kunyatsoona chiso chake nekuti akanga ava kuda kutiza.

“Handingatadzi kumubvunza kuti ari kudananirei nemurume wangu nekuti ndakaroorwa,” akadaro Murezwa.

Ngwaru, uyo akange arimowo mudare iri, akati akarambana naMurezwa zvinozivikanwa nehama dzose kunyangwe zvake asina kumupa gupuro.

“Changamire, nemukadzi wangu wekutanga takarambana kunyangwe ndisina kumupa gupuro asi hama dzake dzaivapo. Ava kungotsvaga hake chingamuponese uye kurova mukadzi wangu wandava kugara naye ichokwadi nekuti ndaive ndiripo,” akadaro Ngwaru.

Mutongi Trevor Nyatsanza akapa gwaro redziviriro kuna Chita akati Murezwa asamurove, kumutuka kana kumutyisidzira.

Akakurudzirawo Ngwaru kuti kana akaramba Murezwa amupe gupuro nekuti ndihwo umboo hunoratidza kuti vakarambana zviri pamutemo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey