Akadutira ‘wemakonzo’ kumusha kwatezvara

21 Jun, 2014 - 19:06 0 Views
Akadutira ‘wemakonzo’  kumusha kwatezvara

Kwayedza

PAMUSHA paVaShacky Mbirimi

PAMUSHA paVaShacky Mbirimi

IMWE mhuri igere mubhuku raMbirimi, kwaDendera, kuHurungwe yakasara isina neremuromo apo mukuwasha wavo akaronga rwendo rwekubva kuHarare ndokunozviuraya nekunwa muchetura kumusha kwatezvara vake. Mukuwasha uyu, Silver Silvester Magaisa, uyo asina kuzivikanwa makore ake ekuberekwa, asi kumusha kwake kuri kuHwedza, anonzi akatanga nekusvika panzvimbo yemabhizimisi yeMagunje apo akatora mwana wake kuchikoro asati anonwira muchetura mune rimwe bhawa repo. Zvinofungidzirwa kuti murume uyu aida kutanga anwisa muchetura kumwana weGrade 3 iye asati audutirawo.

VaShacky Mbirimi (70), avo vanova tezvara vemuchakabvu uyewo vari sabhuku wemusha vakatsinhira kuzviuraya kwemukuwasha uyu.

Vanoti akasvikopunzikira pamugwagwa unobva kuMagunje uchienda kuKaroi, pedyo nepamusha pavo, apo akanga anwa muchetura.

“Hatizive kuti chii chakaitika kuHarare uko vaigara nemwana wangu, Loice Mbirimi, uyo anova mwana wemukoma wangu. Mukuwasha uyu akazongouya svondo rapera ndokusvikira kuMagunje uko akatanga nekuona mwana wake.
“Akasvikira kuchikoro cheCharles Clark Primary ndokutora mwana asati apinda mubhawa umo akatenga strong stuff. Anofanirwa kunge akadira muchetura mudoro ndokutengera mwana wake neshamwari yake zvinwiwa,” vakadaro VaMbirimi.

Vanoti mukuwasha wavo apedza kunwa, akafamba nemwana wake nemugwagwa wekuenda kumba kwatezvara vake apo vanhu vakazoona kuti aiva anwa muchetura ndokuedza kumubatsira asi akabva apunzika.

“Murume uyu anogona kunge akaridzira dzimwe hama dzake nhare kuHwedza sezvo munin’ina wake akazoridza nhare kumusha kwanatezvara achitaura kuti mukoma wake akanga anwa muchetura akapunzika kuMagunje. Akaendeswa kuchipatara cheKaroi uko akasvika achifa,” vakadaro.

Mapurisa anonzi akazotsvaga mubhegi rake ndokuwana muine mapiritsi nemuchetura. Runyerekupe rwunoti mukuwasha uyu akanetsana nevekumusha kwake kuHwedza, avo vanonzi vaisada mudzimai wake, vachiti aifanirwa kurambana naye nekuda kwezvikonzero zvisina kuzivikanwa.

VaMbirimi vanoti mashoko akadaro vakaanzwawo nemakuhwa.
“Ini handina kuzvitaurirwa kuti ndicho chikonzero asi ndakangonzwawo nemakuhwa parufu,” vakadaro tezvara ava.
Vekumhuri yekwaMagaisa vanonzi pavakanzwa nezverufu rwehama yavo, vakangotsvaga motokari ndokunotora mutumbi kumochari yechipatara cheKaroi vachibva vaenda kuHwedza uko wakanomuvigwa.

“Isu semadzitezvara taida kukwira motokari yavakauya nayo tikarambidzwa, taidawo kunochema mukuwasha wedu,” vakadaro VaMbirimi.

Loice anonzi akatozotevera kunhamo. Amai vaLoice, Mai Synodia Mbirimi (60), vanoti vakavhundutswa nerufu urwu.

“Ndakaridzirwa nhare nemunin’ina wemukuwasha wangu aiva kuHwedza achiti mhanyai kumugwagwa wekuMagunje mukuwasha wenyu anwa muchetura. Ndakawana mukuwasha uyu atakurwa kuendeswa kuchipatara cheKaroi uko akasvika achifa,” vakadaro.

Vanoti chakakonzera rufu rwemukuwasha wavo havana kuchiziva.
Nyaya yekuti mwanasikana wavo aisadiwa kumusha kwemurume wake vakairamba vachiti chavanoziva ndechekuti mukuwasha wavo akanga achiri kugara nemwana wavo.

“Iyi itsaona yakandiwira, yekuti mukuwasha wangu akauya kuzozviuraira kuno. Ndaimuda zvikuru asi nyaya yavo handiizive, kana iye Loice haana chaakataura nesu nekuda kwerufu urwu,” vakadaro.

Vemhuri yekwaMbirimi vanoti havasati vakwanisa kunobata mawoko emukuwasha wavo nekuda kwekusanzwisisana kwavanoti kuri pakati pavo nehama dzemufi.

Pakaridzirwa Loice nhare, akaramba kutaura zvakawanda.
“Handina chekutaura, imimi akambenge aita kuti muuye kumusha kwedu ndiyani? Hakuna zvandinoziva, taurirwai naivo vakambokuudzai ivavo,” akadaro.

Mai Ethel Mbirimi (45) vanoti vakangonzwa zvave kunzi mukuwasha anwa muchetura.
Muramu wemufi, Ellen Mbirimi (31), anoti pakaitika nyaya iyi aivawo kutaundishipi yeMagunje apo akazongonzwa kuti babamukuru vake vanwa muchetura. Ruth Mbirimi (30), anova munin’ina waLoice, akatsinhira mashoko aEllen. Pane mashoko anoti muHarare Magaisa ange ava kugara kwake oga, mudzimai achigara nemukoma wake, Sitembile Mbirimi.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nehama dzaMagaisa.

Share This:

Sponsored Links