Uncategorized

Akadyiswa huku mbishi nezvigure

02 Jul, 2015 - 20:07 0 Views
Akadyiswa huku mbishi nezvigure

Kwayedza

Daphne Machiri
MUKOMANA wechidiki wekuEpworth, muHarare, uyo aimbova shasha yezvigure anoti afunga kusiyana nemabasa akaipa aya uye anoda kufumura mhiko dzezvinyau sezvo iye ava muporofita. Emmanuel Mbirimi (22), uyo anogara kuMakomo Extension, kuDomboramwari, akauya oga kuzotaura nyaya yake kumahofisi eKwayedza. Anoti akapinda muzvigure asingade zvichitevera kutapwa kwaakaitwa nezvinyau kwemwedzi mumwe chete ndokuendeswa kunzvimbo kwaaisaziva.

Mbirimi anoti akakura achigara nasekuru vake, Gibson Chinura, avo vanova vakazoudzwa nezvigure izvi kwazvainge zvamuisa ndokunzi vaendako nehuku yechivanhu iyo yaizoshandiswa nemishonga kugadzirisa mhiko dzekuti iye ave nhengo.

Anoti akabatwa nezvigure izvi mugore ra2003 ndokuendwa naye kwaNyamande, kuDomboshava, mushure mekunge azvitevera zvichatamba kumapurazi ekuEpworth ndokuzobengenuka ave kunzvimbo yaasingazive.

“Sekuru vangu Gibson Chinura ndivo vakazouya nehuku yakashandiswa semhiko yekupinda kwangu muzvigure. Ndakaendeswa kusango husiku nevamwe vatatu vandakanga ndabatwa navo kunochereswa midzi yemuti unonzi murumira.

“Takatora midzi yakareba, mumwe nemumwe akabata huku yake tikanzi pfekerai midzi iyi pahuku nekwainoita nako matosi kusvika kumutsipa iri mhenyu tikaita. Takazonzi monyai huku kusvika yafa tikaita saizvozvo, ndokuvhomora midzi iya yasungana nematumbu ehuku tikadya zvakadaro,” akadaro.

Mbirimi anoti vakadya matumbu ehuku aya ari mambishi zvose nemidzi.
“Imwe nyama yakanga yasara yakadyiwa nevakuru vaitidzidzisa.

Minhenga yekubesu rehuku yakabviswa ndokusungwa nekatambo tikabva taitambidzwa semhiko yechipiri uye zita reminhenga iyi inonzi Nyoni.
“Midzi yatakadya takanzi ndeyekuti tisakanganwe zvatinenge tichiudzwa nekudzidziswa nechirudzi chechiNyanja. Mitemo iyi inonzi inofanirwa kugara mumoyo uye ndave kutotaura chirudzi ichi sezvo kuri iko kwandakachidzidzira.”

Mbirimi akaenderera mberi achiti mabhonzo ehuku dzinoitiswa mhiko idzi haaraswe asi kuti anochengetwa osanganiswa nemishonga zvozodyiwa zviri zvimbishi.

“Mabhonzo aya anosanganiswa nemidzi yemiti yakaita semudima, mupepo nemukangande iyo yatinodya semawuyu. Midzi yemiti iyi inoshanda zvakaita sekupa munhu zvivindi, simba rakawanda rekusatya zvimwe zvigure zvakaita sezvekuMalawi uye kureruka kwemuviri uko kunofanirwa kuenderana nemariro engoma kana tichitamba,” akadaro Mbirimi.

Muchinda uyu anoti panguva yavanenge vachidzidziswa mitemo yezvigure, havatenderwe kugerwa vhudzi.
“Pazuva rekupedzisira ndakanzi enda musango pakati pemakuva unotora kangoma kadiki kanonzi mbarure. Ndiri munzira, ndakasangana nezishato raive rakakura kuenzana nechidya changu asi handina kana kutya.

“Ndakadzoka ndikasvikovapa kangoma aka, ndipo pandakanzi, ‘Ya-a wave wedu chaiye, hana yako yasimba. Mishonga yadaira’,” akadaro.
Anoti musi waakapedzisa zvidzidzo zvekuva chigure, akadzoserwa kumba kwavo akafugidzwa gumbeze achirohwa nezvimwe zvinyau.

“Ndaifamba ndakavharwa muviri wangu wose negumbeze, shamhu dzichinaya pamwe newaya dzainge dzakatsvuka nekupiswa nemoto. Ndinotova nemavanga muviri wangu wose.

“Vabereki vangu, sevanhu vechirudzi chekuMalawi, vakazobika doro rekutenda zvigure izvi vachipembera kudzoka kwangu.”
Anoti panguva yaaiva kuzvigure, aive nesimba rakawandisa nekuda kwemishonga yavakadyiswa.

“Sezvigure pachedu, taimboita nguva yekuedzana masimba vamwe vachitourayana. Ndizvo zvimwe zvakaita kuti ndisiye nekuti ndakaona kuti ndaizobatwa nemweya wakashata,” akadaro Mbirimi.

Anoti akasiya mutambo wezvigure gore rapera munaMbudzi mushure mekunge arota achinamatira vanhu vakawanda.
Akavedzera achiti: “Ndakarota ndichinamatira varwere. Ndakabva ndaenda kuchechi yeJohane Masowe.

“Muchechi yandakatanga kupinda ndakasvikotorerwa masimba andakanga ndinawo ekuporofita nevamwewo vaiva nengirozi dzechiporofita. Izvi ndakazozviziva mushure memwedzi ndaporofitwa nevamwe madzibaba kuti ndaiva nechipo chekuporofita.”

Anoti haachada zvachose zvezvigure sezvo ave kuda kupedza nguva yake zhinji achinamata pamwe nekubatsira vanhu vane matambudziko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey