Uncategorized

Akafa achirutsa nyoka . . . ‘Chechi yaange opinda hainzwisisike’

18 Sep, 2014 - 15:09 0 Views
Akafa achirutsa nyoka . . . ‘Chechi yaange opinda hainzwisisike’

Kwayedza

PAKAITIKA mashura pane rimwe purazi riri kuNorton mazuva mashoma achangodarika apo mumwe mukomana wechidiki anonzi akafa mushure mekurutsa zvinhu zvinonzi dzaiva nyoka mhenyu 4.
Bhaureni Saurosi (18) anonzi akafa achirutsa nyoka dzainge dzakareba chipo chemita nechidimbu paimwe. Mbiri dzacho dzaiva nhema, dzimwe mbiri dziri tsvuku.

Mhando yenyoka idzi haina kuzivikanwa.
Mashiripiti aya anonzi akaitika apo mukomana uyu aishandirwa mushure mekunge atanga kurwara.
Asi vabereki vemukomana uyu, avo vanoshanda vachigara papurazi reUshewekunze, vari kuramba nyaya iyi vachiti aya mashoko evanhu vane chinangwa chekuvasvibisa.

Sekutaura kwevanoti vakaona mashiripiti aya, Bhaureni paakarutsa nyoka idzi, dzakabva dzanyangarika pakarepo, apo mushakabvu ainge achinamatirwa.

Mukomana wechidiki uyu anonzi ange ava kupinda imwe chechi inonzi nevanomuziva maitiro ayo haanzwisisike. Asi zvinonzi Bhaureni ange achangosiya kana kuti achiedza kubuda muchechi iyi mazuva aazofa achirutsa nyoka.

Anonzizve, sekutaura kwevanomuziva, ange ava kutiza muchitendero ichi nenyaya yekunzi nevamwe vake achimbovapawo mumwe munhu wehukama, kana zvichigona amai vake, kuti vashandise mumabasa avo.

Babamudiki vemushakabvu, VaBrighton Tenesi (25), avo vanogara papurazi reKilworth kwakare kuNorton, vakatsinhira kuti mwana wemukoma wavo akafa achirutsa nyoka. Vanoti izvi zvakakonzerwa nechechi iyo anga ava kupinda achigara kuDzivaresekwa, muHarare, uko aichengetwa nasekuru vake.

“Hapana chekuvanza apa, ndizvo zvakaitika. Mwana anonzi akarutsa nyoka 4 apo ainamatirwa nemuporofita kumba kwavo. Akafa musi waNyamavhuvhu 27 ndokuvigwa kupurazi reUshewokunze,” vakadaro VaTenesi.

Bhaureni anonzi akaenda kuchechi yaakanga ava kupinda kuHarare achida kubatsirwa. Ari kuchechi ikoko, anonzi akanzi ape mazita evanhu vana vekumba kwavo vachinzi vaidawo kuitirwa munyengetero. Apo Bhaureni akadzokera kumba kwavo kupurazi uku, anonzi ndipo paakasvikotanga kurutsa nyoka achibva azofira pamba pevabereki vake mushure memazuva maviri.

VaTenesi vakati Bhaureni ainge anzi nevaainamata navo ndiye ava nechijana chekuti avape amai vake vachiti izvi ndizvo zvakazoita kuti atize kuchechi uku.

Vanotaura vanoti apa ndipo paakaitirwa mhiko dzakamuita kuti arutse nyoka. “Fungai imi nezera rake uyewo ari mwana wechikoro, anonzi akaitisa party inotyisa kuBelvedere (muHarare) vanhu vakarara vachinwa nekudya.

Panonzi paiva nemotokari mavhu nemarara dzemhando yose, inyaya inozivikanwa muno. Iye oga mwana uyu akauya nevamwe vake vose vakapfeka mbatya tsvuku tichitamba bhora vachikokera party iyi zvisinei kuti vanhu kuno havana kuenda nekutya,” vakadaro VaTenesi. Amai vemuchakabvu, Mai Stella Yolo (38), vakawanikwa vasipo pakashanyirwa nzvimbo iyi neKwayedza. Bhaureni anonzi aiita Form 4 paLight House College, muHarare.

Asi baba vake, VaCollin Saurosi (39), vakatsenga-tsenga mukanwa pavakabvunzwa nezvenyaya iyi.
“Mashoko ekuti mwana wangu akafa achirutsa nyoka ari kutaurwa nevanhu muno asi ini handizive kuti vari kuawana kupi. Mwana wangu akarwara akafa sezvinoita vamwe. Dzimwe nguva vanhu vanondivenga semunhu ane chigaro muno.

“Ndini ndinovagovera zvinhu kana zvichinge zvabva kuHurumende nekwakasiyana. Zvenyoka hapana,” vakadaro.
Vanoti Bhaureni aigara kwasekuru vake kuDzivaresekwa 3 asi vaisaziva magariro ake ikoko.

“Chechi yaipinda mwana wangu handiizive, nyaya zhinji dzingatozivikanwa kwanasekuru vacho kuDZ. Asi vanhu vari kuda kusvibisa zita remwana wangu,” vakadaro VaSaurosi. Vanoti pakarwara mwana wavo vakamboenda naye kukiriniki nekuchipatara uko asina kunoonekwa chirwere chaimunetsa.  Asi vakatadza kuratidza vatori venhau magwaro ekurapwa kwemwana wavo kuchipatara kana kukiriniki kwavaitaura.

“Akafa nekupisa muviri chete, zvenyoka izvo kuvengwa pamwe nenhema dzevanhu,” vakadaro VaSaurosi. Vanoti vane fungidziro zvakare yekuti mwana wavo akaroiwa. Vamwe vagari vepapurazi iri, avo vakaramba kudurwa nemazita, vakatsinhira kuti Bhaureni akafa mushure mekurutsa nyoka.

Mainini vaBhaureni, avo vaigara naye kuDzivaresekwa, Mai Susan Yolo (35), vakaramba nyaya iyi vachiti mwana wemukoma wavo akafa nekurwara nemusoro.

“Mwana uyu akangoti akanga ava kurwadziwa nemusoro achiti aida kuenda kuchipatara, ini semunhu akanga asina mari ndokubva ndamutumira kumba kwavo kupurazi uko akazoenda. Zvakanoitika ikoko handizvizive, hamheno nyaya yekuti akarutsa nyoka iyi iri kutaurwa. Vacho vakadziona ngavataure ivo, ini hapana zvandinoziva. Vanhu vanotaura kwavasina kuswera,” vakadaro.

“Panyaya yekuti mwana uyu akanga ava kupinda chechi yeSatanism, handingazive nekuti aiva neshamwari dzakawanda uye aingoenda kumachechi akawanda, kungava kumasowe kana kumamwe akasiyana,” vakadaro Mai Yolo.

Kwayedza haina idi nenyaya dzine chekuita nemabasa echiSatani sezvo zvinhu zvakadai zvichinetsa kuwana humboo.

Sekuru vaBhaureni, VaStephen Yolo (27), vakati vari kugara vachinetsana nevanhu nenyaya yekuti muzukuru wavo anonzi akafa achirutsa nyoka.

“Nyaya iyi yakazara kubva kuNorton kusvika kuno kuHarare, zvikuru kuno kuDZ. Handizive kuti nyaya yekuti mwana uyu akafa achirutsa nyoka vari kuiwana kupi,” vakadaro.

Mashoko avo akatsinhirwa nasekuru vakuru vaBhaureni, VaElias Yolo (84), avo vakati hapana zvavanoziva kunze kwekungonzwa zvichitaurwa nevanhu kuti muzukuru wavo akafa achirutsa nyoka.  Kune imwe nyaya yakada kufanana neiyi yakabuda nguva pfupi yadarika, yemumwe mwana wekuHopley, uyo anonzi akarutsa mari mushure mekunge ashereketerwa nemishonga.

VaFriday Chisanyu, avo vanova mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), vanoti nyoka dzinoshandiswa zvinhu zvakasiyana senzira yekuroya kwemhando yepamusoro.
“Vanhu vanogona kuona senyoka idzo dzisiri,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey