Uncategorized

Akafa aona hari izere ropa musango

18 Dec, 2014 - 07:12 0 Views
Akafa aona hari  izere ropa musango SEKURU Mero Siyamatanga vachitaridza mumba makafira muzukuru wavo Tafadzwa. - Mifananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

Maiva nekadhara kaidongorera

Mumwe akapona neburi retsono

KAKOMANA kekuHurungwe kakafa zvisinganzwisisike mushure mekunge kaita mahwekwe musango nehari yainge izere neropa umo maiva nekamunhu kaidongorera uye mumwe wechikuru waaifamba naye ndokusara orwara zvekuda kufa.

Vagari vemubhuku raCharuma, kwaShe Mudzimu, vanoti havana kana nechokutaura pamusoro pemashura aya.

Tafadzwa Matesanwa (13), uyo ange ari muGrade 6 pachikoro cheDzimaihwe Primary School, ndiye anonzi akafa mushure mekudhumana nehari yemashura iyi.

Mukomana uyu anonzi akasangana neminana iyi apo akaenda kunogeza kurwizi rwaMusukwe aina babamudiki vake, Simbarashe Siyamatanga (18), uyo akazorwarawo mushure meminana iyi.

Sekuru vemuchakabvu uyu, vanova baba vaSimbarashe, VaMero Siyamatanga Mahombekombe (87), vanoti kufa kwemuzukuru wavo kwakavapedza mate mukanwa.

VaSiyamatanga, avo vanonzi nevagari veuku in’anga yemandiriri, vanoti zvichitevera mashura padunhu aya, zvakavakurira nekuti vakamboedza kushandisa mishonga yavo yechivanhu vachida kubatsira asi zvikashaya basa.

“Ichokwadi kuti muzukuru wangu akafa mushure mekuona hari yaiva neropa umo maibuda musoro wekamunhu kaivamhoresa. Izvi zvakaitika vana vaviri ava vaenda kunogeza kurwizi rwaMusukwe apo hari iyi yaiva musango riri mumahombekombe erwizi,” vakadaro.

Vanoti vakamuka mangwanani vari vose nevana ava apo ivo vakazoenda kunoshanda kubindu vana ava vachinogaisa chibage.

“Vakadzoka kuchigayo uku ndokusvikodya kudya kwavo vachibva vazoenda kurwizi uku ini ndisisipo,” vakadaro.

VaSiyamatanga vanoti vakazodzoka pamba ndokuwana vana ava vasipo apo vakasvikobvunza mudzimai wavo akatadza kuziva kwavaiva.

“Pandakaenda muimba yekubikira ndakasvikoshamiswa kuwana vana vose vakaita rurakatira varere vachipupa furu mukanwa nemumhuno vakaruma mazino. Tafadzwa aiva arere mudota, uyuwo Simbarashe akapunzikira pasi musoro wake wakapfekerwa mubhaketi diki-diki. Zvaitonetsa kuti musoro wake waiva wapindamo sei. Vaisafema, ndikabva ndaziva kuti varohwa nezvidhoma,” vakadaro.

Vanoti vakazotakura Simbarashe pafudzi ndokumhanya naye kumuporofita anonzi Jimmy apo vakasiya Tafadzwa aina ambuya vake.

“Ndakanodzoka naSimbarashe ndokuzotakurana navo vose tikaenda zvakare kune mamwe maporofita aiva ashanya kwaChiyanike.

“Tafadzwa akabatwa musoro zvidhoma ndokutanga kutaura paari akangooma kudaro. Zvaiti ‘tauraya vana ava kare’ zvichiti vakanga vasvikirei panzvimbo yazvakaiswa nevabereki vazvo. Zvaiti vana ava vaiva vazvifumura saka vauraiwa,” vakadaro.

VaSiyamatanga vanoti ivo sen’anga, vakaedza kupfungaidzira mbanda nemimwe mishonga kuvana ava, apo Simbarashe akabatsirwa asi Tafadzwa akanga akuvadzwa kare.

“Ndakazotakura vana ava ndikaenda navo kuchipatara cheChidamoyo uko takasvikotaurirwa kuti Tafadzwa akanga afa kare. Simbarashe akasvikogara uku ndokubuda achingorwara apo taishandisa mishonga yechivanhu.”

“Mukomana akararama uyu akazotaura kwatiri zvose zvakaitika kuti vakaona hari yaiva neropa mumahombekombe erwizi rwaMusukwe umo vanoti makazotanga kubuda kamudhara kaivakwazisa nezwi rechidzimai. Akati apo vakanga vave kutiza izwi remunhu uyu rairamba richivashevedzera kuti vamire, ndokuti rakaramba richidaro kudzimara vasvika pamba.”

VaSiyamatanga vanoti izvi zvinoreva kuti vana ava vakabva kurwizi uku varohwa kare nezvinhu izvi.

Vakaenderera mberi vachiti: “Ndakatangirwa, izvi zvidhoma chaizvo. Chidhoma hachirove anorarama uye kuti Simbarashe ararame inyasha chaidzo.

“Hari iyi imhiko dzakaiswa nevaroyi apo vanochengetera zvidhoma zvavo. Kwave kutyisa kuenda kunzvimbo iyi nekuti kuchafiwa nevanhu nekuti zvidhoma izvi zvinogara kurwizi uku.”

Vanoti aka ndekechipiri vana vemunharaunda yavo vachisangana nehari iyi, iyo inonzi inomboonekwa ichimboshaikwa.”Mwana wekwaChabikwa newekwaMhande vakamboiona hari iyi vakarohwa nazvo mumwe akatomboita bofu vakazobatsirwa kumaporofita.”

Murume n’anga uyu akati panhamo yemuzukuru wake akazivisa ruzhinji rwaivapo kuti muridzi wehari iyi aifanirwa kuibvisa sezvo yave kukonzera kusagadzikana mudunhu iri.

“Sabhuku wedu Charuma ndakavataurira nyaya iyi ndichiti vaisvitse kwaShe Mudzimu. Ndakati kushevedzwe maporofita nen’anga vanokwanisa kubvisa hari iyi kuti dambudziko iri ripere asi nanhasi uno sabhuku havana zvavati vaita,” vakadaro.

VaSiyamatanga pavakakumbirwa kuti vaperekedze vatori venhau kusango rinonzi rinoonekwa hari iyi asi vakaramba zvachose vachiti vaisada kuisa upenyu hwavo parumananzombe.

“Kunosvikwa nani nhai vakomana? Indava muchida kutamba neupenyu imi? Hamukudzoke uku motokari iyi (yevatori venhau) inozovingwa nevamwe imi mafa. Munoda kufa here, hakusvikike nekuti chidhoma chakaipa wena,” vakadaro.

Murume uyu akarambazve mashoko ari kutaurwa nevamwe ekuti anogona kunge aine zvaanoziva nekuda kwekufa kwemuzukuru wake nekurohwa nezvidhoma sezvo ari n’anga.

“Ko ndingauraire chii vana vangu uyezve rangu basa nderekubatsira vane matambudziko, pamwe kuedzwa kwandakaitwa.”

Mudzimai wen’anga iyi, Mbuya Keresiya Chukira Siyamatanga (70), vanoti firo yemuzukuru wavo inoratidza huroyi hwepamusoro.

“Handina kumbobvira ndakaona zvakadai, kuno vanhu vave kuroya chokwadi. Hari iyi ikasabviswa vanhu vachapera kufa,” vakadaro Mbuya Siyamatanga.

Vanoti vanokumbira masangano en’anga nevemachechi kuti vabatsire kubvisa hari iyi.

“Kunzvimbo inoonekwa hari iyi kunonzwikwa vanhu vasingaonekwe vachitaura kana kuseka chikuwe padyo newe iwe,” vakadaro.

Amai vemushakabvu, Sarudzai Chamisa, vanoti vakazoshevedzwa kubva kuHarare mwana wavo aishaika sezvo aigara naambuya nasekuru vake.

Vanoti vaive nevana vatanhatu, kusanganisira Tafadzwa, uye rufu rwake rwakavagura kunorira.

Baba vaTafadzwa, Lisent Matesanwa, havana kuonekwa neKwayedza vachinzi vaive kubasa kuHarare.

Sabhuku wemusha uyu, VaPhineas Charuma (90), vakati nyaya iyi yakasvitswa kwavari kuburikidza nemwanakomana wavo, Send Charuma, uye vachaikwidza kwashe.

Mudzimai wavo, Mbuya Nursery Charuma (80), vanoti nyaya yasiya vanhu vemunzvimbo iyi vaine kutya kukuru.

Share This:

Sponsored Links