Uncategorized

akafa atukwa neroja

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
akafa atukwa neroja

Kwayedza

. . . zvekusvitswa kutsime chaiko

Kingstone Mapupu —
CHEMBERE yemumusha weZengeza 1, kuChitungwiza iri kunzi yakafa masvondo maviri adarika mushure mekunge yatukwa zvekusvitswa kutsime neroja rayo.

Mushakabvu Mbuya Dadirai Motsi (80) vange vachigara nemhuri yavo nemaroja panhamba 47 Rukodzi, kuZengeza kubva kushaika kwakaita murume wavo, VaChamboko Motsi.

MUSHAKABVU DADIRAI MOTSI

Mwanasikana waambuya ava, Francisca Motsi (40), anotsinhira nyaya yekutukirirwa kwaamai vake neroja rinongozivikanwa saMavis.

“Amai vaipota vachimbogara kumusha kwaMusana, kuBindura asi vachiuya kuno kuzoona imba yavo nemaroja. Ini ndini ndinenge ndiripo nguva dzose, ndini ndinonyanya kunge ndiine maroja aya,” anodaro Francisca.

Anoti roja rekutukirira amai vake rakatanga kugara pamba pavo nevana varo vaviri mumwedzi waKukadzi gore. Kubva ipapa, Mavis anonzi akangobvisa mari yerendi $50 mwedzi wekutanga bedzi, ndokuzogara pasina kubhadhara kwemwedzi yakatevera.

“Nyaya yakatanga apo ndaimubvunza mari yerendi achiramba kubhadhara. Aitokurudzirwa nevamwe vakomana vemuno mumaraini kuti asabhadhare rendi.

“Semunhu aigara achirova mwana wake musikana, mumwe musi Mavis akarova mwana uyu husiku ndokubva iye atiza pamba, nyaya yacho ichibva yamhan’arwa kusangano rinomirira vana uko yakakwidzwa kumapurisa. Iye akangofungira kuti ndini bedzi ndakamumhan’arira,” anodaro Francisca.

Anoti mukadzi uyu nekuda kwefungidziro yekuti ndiye akamumhan’arira kumapurisa, akazodzoka kumba akamurwisa ndokuzodziviswa nemumwe muvakidzani.

“Amai vakazouya kubva kumusha vachida kunziwisisa nyaya iyi apo vakasvikira kumapurisa kwataiva. Takazobva kumapurisa tikaenda kumba uko muroja uyu akamira pachivanze ndokutukirira amai vangu nezvose – izvo zvakaita kuti amai vabatwe neshungu dzavakati dzaizovauraya.

Francisca anoti kuburikidza nemashoko avo ekuti vainge vabatwa neshungu zvakanyanya, Mbuya Motsi havana kuzopedza mazuva – vakadzokera kumusha uko vakazofuma vakafira muimba yekurara.

“Muroja uyu akatuka amai vangu nezvakawanda . . . hapana chaakasiya. Akavapumha huroyi achiti ndivo vakauraya baba, kamwana kenyu kane Aids nezvimwe zvinyadzi (zvisingaite kudhinda mubepanhau revanhu),” anodaro Francisca.

Muroja uyu anonzi akaenderera mberi achiti pakashaika baba vemhuri iyi, kumusha kwavo kwakauya gudo rakasvikopfugama mumba mavo rikauchira richitaura mafiro aiva aita baba ava risati ratsakatika.

“Vanhu vanogara munharaunda vakaungana amai vangu vachitukwa. Vakazodzokera kumusha vachingoti kutukwa kwavakaitwa nemuroja uyu kwaivashura. Havana kurwara, takazongoridzirwa nhare tichiudzwa kuti vafuma vakaoma tikaziva kuti inyaya iya yavakanga vataura kuti vaiva neshungu dzakanyanya dzekutukwa naMavis.”

Francisca anoti yake nyaya yekurohwa nemuroja uyu akaisvitsa kumapurisa izvo zvakazoita kuti apihwe gwaro rerunyararo kumatare edzimhosva.

Anotizve mutumbi waamai vake hauna kunoongororwa namachiremba kuti zvionekwe kuti chii chakavauraya asi kuti wakangovigwa kwaMusana. Nyaradzo yaMbuya Motsi inotarisirwa kuitwa musi wa2 Zvita kumusha.

Christine Nhemera (32) – mumwe ari kugara pamba apa – anoti akaona kushungurudzwa kwaiitwa ambuya ava nemuroja wavo uye kutukwa kwavakaitwa.

Muzukuru waMbuya Motsi, Kumbirayi Swerakuenda (48), anoti akazongonzwa kuti vafa mushure mekutukwa nemuroja wavo.

Mbuya Josphine Mangava (70), vanova muvakidzani kuZengeza, vanotsinhira nyaya yekutukirirwa kwaMbuya Motsi nemuroja wavo.

“Muroja uyu akatanga kurwisa mwanasikana wepano uyu apo akatotiza akanorara kumamana, ndokuzotuka Mbuya Motsi zvekuvasvitsa kutsime. Vakati vaiva neshungu dzakadzika nekuda kwekutukwa nenyaya dzehuroyi nezvemubhurugwa nemwana mudiki akadaro, isu ndokuzongonzwa kuti vafa,” vanodaro.

Muroja uyu anonzi akasiya apwanya makii emadhoo nezvinobata mwenje wemagetsi asati atama pamba apa. Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachii vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro akaita nyaya iyi.

Kwayedza haina kukwakwanisa kutaura nemuroja uyu sezvo asiri kuzivikanwa kwaave kugara uye aisadaira nhare yake apo akafonerwa kakawanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>