Akafa nekusarara achiona nhabvu

21 Jun, 2014 - 15:06 0 Views

Kwayedza

MUMWE murume wekunyika yeChina anova mutsigiri mukuru wenhabvu anonzi akafa svondo radarika zvichitevera kusarara kwemazuva ane chitsama achiona mutambo weWorld Cup uyo uri kutambirwa kuBrazil. Murume uyu, uyo  aive nemakore 25 ekuberekwa, anonzi  akawanikwa akafa mumba make kuSuzhou kunzvimbo iri pedyo neguta reShanghai apo mutumbi wake waive wakagara pamberi peterevhizheni musi weChishanu uyo wakakundwa Spain neHolland 5-1.

Mutambo uyu wakatambirwa kuSalvador rinova rimwe  remaguta ekuBrazil uye nguva yeko iri kumashure nemaawa 11 kubva kunguva yekuShanghai, izvo zvinoreva kuti vatsigiri venhabvu kuChina vanofanirwa kugara husiku hwese kana vachida kuona zvinenge zvichiitika kumutambo uyu.

Mitambo iyi, iyo yakatanga na4pm nguva dzekuEngland, haina kuzopera kuChina kusvika na5 mangwanani uye madhokotera vari kufungidzira kuti kufa kwake kwakakonzerwa nekuzvishaisa kwaakaita nguva yakakwana yekumborara.

Madhokotera ekunyika iyi pamwe navanamazvikokota veutano vakayambira vatsigiri venhabvu vekuChina pamusoro penjodzi yekutadza kuzorora pamwe nekurara zvakakwana panguva ino yemitambo yeWorld Cup.

Aka hakasi kekutanga chizvarwa chekuChina chinotsigira nhabvu chichifa nekuda kuona mitambo iyi. Mugore ra2012, apo paitambwa mitambo yemaEuro, mumwewo mutsigiri akafa mushure mekupedza mazuva 11 asingarare achiona mitambo yese yaitambwa uye vanachiremba vakati akafa nekuda kwekuneta sezvo aisawana nguva yakakwana yekuzorora. — Daily MailOnline

Share This:

Sponsored Links