Akafundumwara mudare anyepa

20 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

MUKADZI wekuenda kudare achida mari yemendenenzi akazofundumwara kusvika pakuda kuramwa kupindura mibvunzo mushure mekubatwa kuti zvimwe zvaaitaura aiva manyepo.

Modeline Chimunya akamhan’arira aimbova murume wake, Edson Chokuda, kuHarare Civil Court achida $200 yekuriritira mwana wavo.

“Changamire, ndinoda kuti andipe $200 yekuriritira mwana wake, kubhadhara pekugara, zvekupfeka, zvokudya nekurapwa. Kubva ndichibatsirwa mwana iyeye, hapana kana kobiri randakawana kubva kwaari achingopa zvikonzero zvisina maturo,” akadaro Chimunya.

“Ini ndinowana $10 pazuva nekuruka musoro asi dzimwe nguva ndinotoshaya kana mumwe chete wekuruka zvekuti ndipo panozonyanya kundiomera zvadai kuti ndiuye kudare kuti mundibatsirewo.”

Chokuda akati anongokwanisa kubhadhara $40 pamwedzi sezvo mwana achiri mudiki. “Ishe wangu, mwana ndewangu uye handipokane nekuti ndimuchengete sababa vake. Asi dambudziko nderekuti mari yava kutaurwa yakawandisa. Amai ava havana rendi yavanomboda kubhadhara nekuti vanogara naambuya kumusha uye vakatouya nezuro kuno kuHarare kuzogarira kupinda mudare muno,” akadaro Chokuda. “Nyaya yekuti anoda mari yekubhadhara kuchipatara kungotaurawo asi mwana anorapwa kubasa nekuti ndiri musoja uye amai vangu ndivautsanana vanowana mapiritsi ekupa vanhu pachena. Saka iyoyo nyaya ngaatosiyana nayo zvake.

“Imwe nyaya ndeyekuti ndine vanin’ina vatatu nevabereki vandinochengeta.”

Chimunya, mushure mekubvunzwa nedare kuti sei akanyepa kuti ainge achibhadhara rendi, akafundumwara ndokutora nguva refu asati apindura ndokuzoti: “Ndakatsvaga imba nekuti ambuya vakandidzinga pamba pavo saka ndimbori kwatete ndichimirira kuti ndinopinda imba yacho kana ndapihwa mari.”

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Chokuda abhadhare $70 pamwedzi yekuchengeta mwana wake kutanga muna Nyamavhuvhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey