Akagara asina kufa: Dr Moyo

19 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

CHAMANGWIZA wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obediah Moyo, vanoti musikana anonzi akafa akamuka ndokuzofa zvakare kwaNembudziya, kuGokwe anogona kunge akange akafenda panguva iyo akabepura.

“Chekutanga ndinoti mwana uyu haana chiremba akamutarisa kubva paanonzi akafa musi weMuvhuro kusvika Chitatu icho chaanonzi ndicho chaakamuka. Munhu akafa kune nyanzvi dzinofanirwa kutsinhira kuti afa kwete vanhu vachiita zvekuisa mawoko pachipfuva nemuhapwa kuti vanzwe kana achiri kudziya muviri. Vakadaro vanogona kuviga vanhu vapenyu,” vakadaro Dr Moyo.

Vanoti hama dzemwana uyu dzaifanirwa kunge dzakaenda naye kunana chiremba vakadzidzira basa zvoonekwa kuti zvechokwadi aive afa.

“Panonzi mwana uyu akazomuka ari mubhokisi akanga agara ari mupenyu, kwete kuti akamuka. Tine ongororo yatinoita yekuona kuti munhu achiri mupenyu here.”

Dr Moyo vakakurudzira veruzhinji kuti kana vaine fungidziro yekuti hama yavo yafa, ngavaende nemutumbi wacho kunana chiremba vakadzidzira basa zvoongororwa kuti munhu afa zvechokwadi here.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey