Akagariswa mudhishi nemukadzi

13 Feb, 2015 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Garnet Zvimba
PANE mumwe murume akachema-chema mudare achiti mukadzi wake akamutorera midziyo yose yemumba pamusoro pezvo ndokuzomumhan’arira.

Isiah Gadzi akadunura mudare reHarare Civil Court mushure mekunge aendeswako naMary Mhuridzo uyo aida kuti abvise $500 pamwedzi yekuchengeta mhuri yavo.

“Murume uyu haachachengeti mhuri yake uye akandidzinga pamba. Akatora zvinhu zvose zvataiva nazvo akandisiya kumba kwedu. Izvi zvinotaridza kuti handichadiwa pamusha apa.

“Apa kurohwa kwakanga kusisiri kwenhamo pandaigara naye zvekuti ndakatozopotera kudare kuti ndiwane rugare.

“Izvozvi anoti haana mari asi patakaenda kudare rekuMbare nekuda kwemhirizhonga mumba akabvuma kuti anoshanda kuJoni uyezve anowana mari inosvika $500 pamwedzi.

Gadzi akati haachakwanisa kudzokera kunoshandira kuSouth Africa sezvo gwaro rake rekufambisa rakabvarurwa naMhuridzo.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Gazi abvise $150 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links